Uncategorized

Ndinokwangwaya: Hwindi

22 May, 2015 - 00:05 0 Views

Kwayedza

HWINDI wekuendeswa kudare nemukadzi wake achida kunzi abvise $160 pamwedzi yekuchengeta mwana akachema-chema achiti hapana kwaaikwanisa kuwana mari iyi sezvo ari kutokwangwayawo.

Martha Musakwa akaudza mutongi weHarare Civil Court kuti murume wake, Trymore Mbefere, anokwanisa kumupa mari yaaida iyi nekuti anowana mari yakawanda kubasa kwake.

“Handioni chinotadzisa murume uyu kuti ape mwana wake $160 semunhu anowana $400 pamwedzi kubasa kwake kumusika weMbare. Mari iyi ndinoda kuti ndikwanise kutenga chikafu pamwe chete nezvipfeko.

“Mwana haangaite senherera baba varipo. Chandiunza kuno ndechekuti nababa ava hatisi kunzwisisana panyaya yekuti toriritira sei mwana. Paanoburitsa mari tinenge tatombokandirana magaramwoyo,” akadaro Musakwa.

Mbefere akati haakwanisi mari iyi.

“Ndiri munhu ari kutokwangwayawo, handina mari pandiri pano. Zvekuti ndinowana mari yakawanda manyepo. Ndinowana $60 ndokunge mwedzi iwoyo kuine mabasa nekuti ndinoita basa rekutakurira vanhu zvinhu nengoro.

“Mukadzi uyu ndakamuudza uye anozviziva kuti ndine mumwe mukadzi nevana vatatu vanoda kuchengetwa saka mari yaari kuda handiiwane. Ndinokwanisa kungomuwanira $20 nekuti ndiri hwindiwo kuMbare,” akadaro.

Musakwa akati Mbefere haana kumbobvira amubudira pachena nezvenyaya yekuti ane mumwe mukadzi nevana vatatu.

Mutongi Ruth Kamangira-Samukange akati nyaya iyi ichazonzwikwa zvakare mudare mushure mekunge Mbefere auya nemagwaro anoratidza kuti ane vamwe vana.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey