Uncategorized

‘Ndinorohwa natezvara navamwene mapositori’

03 Jun, 2016 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Amager Mufema
MUROORA akamhan’arira tezvara navamwene vake kudare redzimhosva achichema-chema kuti vanogara vachimuzvambaradza nekuda kwekuti haatevedzere zvinodiwa nechitendero chavo cheJohane Marange.

Joyleen Mudzeyi akaendesa tezvara vake Kennis Mucheudzi nemudzimai wavo, Pauline Mucheudzi, kuHarare Civil Court achitsvaga kwekupotera.

“Mambo wangu, ndashungurudzwa natezvara navamwene vangu vamunoona vamire apa ava.

‘‘Vanouya kumba kwandinogara vachindituka nekundirova zvekuti nyama dzangu dzave kutogara dzichirwadza chikonzero chiri chekuti ini handidi kutevera chitendero chavo chechipositori cheJohane Marange. Vanouya kumba vachindituka nekundirova,” akadaro Mudzeyi.

Kennis akaudza dare kuti muroora wake ainyepera dare.

“Ndiri kutoshamiswa nezviri kutaurwa nemuroora wangu uyu. Ini ndini ndakatonomuroora saka ndiri kutoshamiswa achiti ndinoenda kumba kwake kunomudzingirira nekumurova. Honaiwo zvakaita gumbo rangu, ndine plasta saka makazvitarisawo ndingadzingirire munhu ndichimubata nekumurova?

“Muroora wangu ndinotomuti amai nekuti anoera mutupo wakafanana newaamai vangu weshumba. Zvose zvaari kutaura kuda kungokoresa nyaya chete pamberi pedare,” akadaro Kennis.

Pauline akaudzawo dare kuti aitoshamiswa nemhosva yaaipomerwa nemuroora wake.

Akati: “Ndinotokatyamadzwa nezviri kutaurwa nemuroora wangu, zvekuti ndinoenda kunopesvera baba kuti vamurove. Kumba kwake handitombokuzive. Iye ndiye anotouya kumba kwangu nemurume wake tichivagadzirisana kana vanetsana.

“Pavakauya ipapo vainge vanetsana muroora achinzi aisendera muzukuru mapikicha ake asina kupfeka uye kutorwa vhidhiyo nevamwe varume ari kunzvimbo dzekufara nekutuhwina asina kunyatsosimira. Muzukuru wangu akatouya musi iwoyo akatokumbira ruregerero nezvaakaita izvi. Izvo zvekuti tinoenda kumba kwemuroora kunomurova ndiri kutozvinzwira muno mudare.”

Mutongi Barbra Mateko akati nyaya iyi ichaenderera mberi mudare zvakare apo Mudzeyi anofanira kuuya nevafakazi vakamuona achirohwa navatezvara navamwene vake.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>