Uncategorized

‘Ndinorohwa nesmall-house, munotondinzwira tsitsi imi’

23 Sep, 2016 - 00:09 0 Views

Kwayedza

Amager Mufema

MUMWE murume anoti shamwarikadzi yake inomurova pamberi pevamwe vaanoshanda navo uye kumutyisidzira ichiti ichamuuraya.Walter Ngwashira akamhan’arira Tatenda Chiora kuHarare Civil Court.

“Ndatambudzwa neshamwarikadzi yangu iyi, handichina mufaro.

“Tatenda ane tsika yekuti ndikasamufonera anonditumira mameseji nekundifonera achiti, ‘Uri kuregererei kundifonera pose-pose pandinoda? Saka ndinoda kukuuraya’,” akadaro Ngwashira.

Akaenderera mberi achiti anotukwa nekurohwa naTatenda kubasa kwake pamberi pevamwe vaanoshanda navo.

“Ndinorohwa zvekuti vanondiona vanotondinzwira tsitsi. Anouya kubasa kwangu achindituka nekundirova pamberi pevakuru vangu zvekuti ndave kutotya kuti ndichadzingwa basa. Akasvika ndisipo pabasa anotanga kufona pafoni yekubasa zvekuti ndakatopihwa yambiro yekudzingwa basa,” akadaro Ngwashira.

Chiora akapokana nechikumbiro chaNgwashira achiti haamurove asi kuti vanonetsana nenyaya yekuchengeta mwana wavo.

“Ndinopokana nechikumbiro chaNgwashira, ndinomutuka ipapo ndinobvuma. Asi zvimwe zvose zvaataura ndoti inhema. Pandinoenda kubasa kwake ndinenge ndichida kumuudza kuti mwana ave kuda chekudya kana kuti ari kurwara,” akadaro Chiora.

Mutongi Gamuchirai Siwardi akapa Ngwashira gwaro redziviriro ndokuti kana Chiora achida mari yekuchengeta mwana anoenda kudare rinoona nezvemendenenzi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>