Uncategorized

Ndinoziva nzvimbo isingaende magetsi

12 Jul, 2019 - 00:07 0 Views

Kwayedza

IMBWA HAIHUKURE SADZA

naIgnatius Mabasa
URI kutsvagei uye uri kuraramirei muhupenyu huno? Kana uri kuraramira kutsvaga mari zvinoreva here kuti mari hupenyu? Munguva dzino dzatiri kuti hupenyu hwaoma, ndezvipi zvinhu zvawaimboita zvausisaite?

Ndiri kuziva shamwari yangu Samanyanga akaregera doro. Muzukuru wangu MaDhuve akaregera kutenga wivhi. Vamwe amai vatakavakidzana navo vakati kumba kwavo havachadya chingwa nekuti kutenga mupunga kwakachipa pane chingwa.

Kana Chirandu sahwira wangu akarega zvekuenda kubasa nemota yake. Ave kumhanyira makombi nekumirirawo Zupco.

Ndizvozvoka, kana mhepo yakasimba ichivhuvhuta huswa hunorara pasi asi miti inoda kuramba yakati dzi inotyoka kana kutodzurwa.

Saka ndipindurewo kuti muhupenyu huno uri kudzingirirana nei? Hapana here zvaungaite kuti urarame usingatsamwire hurumende?

Imo mukutenga kwatakajaira uku, tanga tave kungotenga nezvimwe zvinhu zvisina basa.

Matambudziko atiri kusangana nawo sevanhu, senyika anoda kuti nesuwo tifungisise kuti chakakosha chii? Chinotibatsira muhupenyu ndechipi?

Tikarega kunwa zvinwiwa nekudya chingwa chine polony tinofa here? Chinhu chatingade kuchema nacho ndechekuti zvinhu zviri kukwira mitengo asi mari inotambira vanhu haisi kukwira. Saka toita sei?

Ini zvandidzidzisa kuita bhajeti. Mari yacho shoma iyoyo yave kundiudza kuti “changamire, kana mukasaronga kuti muchandishandisa sei, muchasara mave muzvikwereti uye muchinhuhwa nhamo inosemwa nenhunzi.”

Saka kuita bhajeti kwandidzidzisa kudonhedza zvisina basa nekukoshesa zvakakosha. Handichangoti ndikadarika nepachitoro ndotobuda ndakabata mabhanzi ane kirimu.

Chimwe zvakare chandadzidza kunze kwekubhajeta kuti hatina musha panyika nekuti kugara kwedu panyika kunovimba nezvinhu zvakawanda zvinenge kuve nemari, hutano, basa, hembe, motokari, imba zvichienda zvakadaro.

Nguva dzakaita sedzino dzinondiita kuti ndive nemamwe maonero.

Nguva dzino dzinondipa kuti ndibvunze kuti rutendo rwangu rwuri muzvinhu here kana munaMwari.

Bhaibheri rinotiudza kuti, “Nokutenda Abhurahama, akati adanwa kuti aende kunzvimbo iyo yaaizogamuchira kuti ive nhaka yake, akateerera akaenda, kunyange zvazvo akanga asingazivi kwaaienda.

Nokutenda akandogara somutorwa munyika yechipikirwa, saanogara munyika yavamwe; akagara mumatende, sezvakaita Isaka naJakobho, vakanga vari vadyi venhaka yechipikirwa pamwe chete naye. Nokuti akanga achitarisira guta rine nheyo, Mwari ari mhizha nomuvaki waro.”

Pane maonero anobatsira uye akakosha. Abhurahama akanga asiri kutsvaga rugare rwezvinhu. Nyangwe akanga apihwa nyika naMwari, akagara munyika imomo semutorwa.

Tinonzwa kuti aitarisira guta risina kuvakwa nemaoko emunhu. Maoko emunhu anotsveyamisa uye haavake zvinogara nekusingaperi.

Abhurahama aitarisira hupenyu husiri hwaakanga achirarama. Saka panyama zvinoita sekuti Abhurahama akanga asina zvizhinji, asi iye akanga asiri kutarisa zvatinotarisa isu sevanhu. Aitarisa zvaMwari isu patiri kutarisa zvemari.

Guta raitariswa naAbhurahama ndiro guta raJehovha, ndiro Jerusarema idzva ratiri kukokwawo nesu kuti tipinde mariri. Kana tisingade kupinda, Mwari havatimanikidze asi isu tisu tinoruza nekuti tinezenge tiri kunze kwaro.

Tinonzwa kuti “Kunze ndiko kune imbwa, navaroyi, nemhombwe, navaurayi, navanonamata zvifananidzo, navose vanoda nhema vachidziita.”

Kuoma kana kunaka kweZimbabwe, ngatizive kuti Mwari vari kutikoka kuguta risingaende magetsi, risina zvipatara, mapiritsi, mabhandeji kana mibhedha yevarwere. Harina exchange rate kana maUS Dollar.

Jesu anoti “Mweya ndiye anopa hupenyu, nyama haina chainobatsira. Mashoko andataura kwamuri mweya, uye hupenyu.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>