Uncategorized

‘Ndipewo weti yemukadzi wako’

29 Dec, 2016 - 00:12 0 Views

Kwayedza

 ‘Ndinoda kurapisa mwana wangu’

Tafadzwa Mutsotso

VANHU vaive mudare vakakatyamadzwa apo vavakidzani vaviri vakamisidzana pamusoro penyaya yekuti mumwe wavo akange akumbirwa weti yemudzimai wake iyo yainzi yaida kuroyonoreswa mwanakomana akange ashinha nemudzimai uyu.Stanely Mushumi akamhan’arira muvakidzani wake, uyo akangozivikanwa saMufemeri pamwe nemudzimai wake, kuHarare Civil Court achiti vari kumushungurudza nekumunanga huroyi vachiti ndiye akauraiswa mwana wavo ainzi Takudzwa Mufemeri.

“Mambo wangu, handichina rugare nekuda kwevanhu ava. Vanogarondipomera mhosva yekuti ndakauraya mwana wavo Takudzwa uye kundityisidzira vachiti zvandakaitira mwana wavo zvichaitikawo kwavari,” anodaro.

Mushumi anoenderera mberi achiti: “Vakandishevedza pamwe nemudzimai wangu kumba kwavo vachiti vanoda weti yemudzimai wangu yavanoda kushandisa kurapa mwana wavo. Panguva iyi akange achiri kurwara, asati ashaya.

“Ndakaramba nechikonzero chekuti ndainge ndisina kugutsikana kuti weti yemudzimai wangu yaizoshandiswa sei, zvakare ndakange ndisina kumbobvira ndazvinzwa kuti munhu anokumbira weti yemudzimai wemunhu, zvakandityisa. Vakabva vatanga kundipumha huroyi vachiti ndini ndakauraya mwana wavo.” Akati Mufemeri anotumira vanhu kumba kwake avo vanosvikoparadza midziyo yake.

Mufemeri haana kupikisana nemashoko aMushumi ekuti vainge vakumbira weti yemudzimai wake.

“Handisi kupikisana nemashoko ekuti ndakamushevedza ndichikumbira weti yemudzimai wake. Chikonzero chakaita ndisvike pakudaro chaive chehurwere hwemwana wangu pachokwadi, kwete kuti ndikuvadze mudzimai wake kana kuvapumha huroyi sezvaari kutaura,” akadaro.

Akaenderera mberi achit, “Handina kumbobvira ndanetsana navo nekuti ndaitoda kuti tinzwisisane kuti dambudziko rainge rasangana nemwana wangu rigadziriswe.

“Takudzwa akanga aita chirwere chekuzvimba dumbu saka sababa ndakasvika pakumubvunza kuti ainge asina kuba kana kudya chikafu chine mushonga here, akati kwete.”

Akati mwana wake akazomuudza kuti aive ashinha nemudzimai waMushumi uye ndokuburitsa tsamba yaaive anyora mudare pamusoro penyaya iyi seumboo.

“Papera mazuva maviri, ndabvunza mwana wangu maererano nehurwere hwake, ndipo akazondinyorera tsamba iyi achindiudza kuti ainge ashinha nemudzimai waMushumi.

“Saka patakafamba kun’anga, pakanzi paidiwa weti yemudzimai waainge ashinha naye uyu kuti dambudziko rake ripere. Ndipo patakazodzoka toshevedza mhuri iyi kuti titaurirane.

“Patakatovashevedza vabereki vavo vaivapo. Baba vaMushumi vakatobvunza mwana wangu kuti chiitiko ichi change chava nenguva yakakura sei chaitika mushakabvu akati mwedzi wainge wakwana. Ndipo vakapindura vachiti zvainge zvisisagadzirike, mwana wangu akafa tikamufushira.

“Saka ini handisi kuziva kuti zvekunetsana navo zvaari kutaura azviwana kupi,” akadaro Mufemeri.

Mutongi Yeukai Dzuda akati vatatu ava vazodzoka kudare kuti vazonzwa mutongo wavo.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>