Uncategorized

‘Nditori muSatanist azere’

14 Feb, 2020 - 00:02 0 Views
‘Nditori muSatanist azere’ Abednico Heri

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME wechidiki anogara kuUnit L, kuChitungwiza, kumusha achibva kuMhondoro, ari kuzviti muSatanist akazara izvo zvinomuita kuti ave “nesimba” rekukonzeresa tsaona dzemumigwagwa.

Kana dai zvazvo Abednico Heri (24) asiri kuudza Kwayedza kuti iye nevamwe vake vanowanei mukukonzeresa tsaona uye kunyatsodonongodza maitirwo emabasa avo, vanotaura vanoti maSatanist anonwa ropa nekuita zvimwe zvisinganzwisisike.

Mutori wenhau uno anomboita chadzimira ari pakati pehurukuro — zvekusangonzwisisa zvainge zvoitika nekuda kwekadzungu asi zvinokasika kupera.

“Ndini nevamwe vangu tinokonzeresa mamwe matsaona emumigwagwa. Ndinongonzwa ndave kuda kuti zvichiitika, asi handikuudzei maitirwo azvo,” anodaro Heri.

“Pamwe pacho ndinongorota kuhope kuti tsaona ngaichitoitika, pandinopepuka ndotonzwa kuti kwakati kwaitika tsaona, vanhu vafa.

“Ndinogona kunzwa izwi munzeve dzangu richindiudza kuti tsaona yava kuda kutoitika mumota kana mubhazi randinenge ndiri. Ipo pandauya kuno (kuKwayedza) ndichibva kuBulawayo, ndaburukira bhazi munzira mushure mekuziva kuti rava kuzoita tsaona. Ndichangoburuka bedzi, bhazi iroro raruza chimudhiraivho rikaita tsaona,” Heri anodaro asina kana nyadzi.

Kuzotaura nyaya yake, murume uyu anoti haachada zveSatanism.

“Handichazvida, vamwe vangu vave kunyanya kundishandisa. Vatatu vavo vari kundiita mukadzi wavo. Kana hama dzangu dzave kuzviziva saka hadzichandifarira.”

Kuti atange zveSatanism, Heri anoti akasangana nemumwe murume kuKwekwe uyo aityaira motokari nhema ine mahwindo asingaonese zvemukati iri yerudzi rweBMW uyo akamubvunza mafambiro.

“Ndakakwira mumota yake achibva andipa ring nenecklece zvaipenya. Asiwo, ndakabva ndangoita chadzimira ndirimo mumota imomo.“Ndangodzokera kumba, ring nenecklace zvandakapihwa zvakabva zvasanduka zvikaita zidatya nezinyoka,” anodaro.

Heri anoti haana kuita zveSatanism nekuda, asi kuti akaita zvekupinzwa mazviri.

Heri anoti kana dai asisazvide, achiri muSatanist azere asi ava kutsvaga vangamubatsira kuti asiyane nazvo.

“Pazvatanga raiva gore ra2012, ndiriko kuKwekwe. Murume uyu akasvikomisa motokari yake padyo neni achibvunza mugwagwa wekuenda kuMbizo. Ndakapinda mumota yake apo ndakabva ndangotadza kuziva zvandaiita ndikazobengenuka ndisina kana kupfeka mbatya dzose, ndiri musvo uye zuva rave kunodoka. Ndakamubvunza kuti ndaiva ndaita sei akanditi ndinyarare,” anodaro Heri.

Anoti murume uyu akangoda kuzivikanwa saLaiton.

Heri anoti murume uyu akazotyaira mota yake kunosvika mudhorobha reKwekwe umo akazomutengera dzimwe mbatya apo dzake chaidzo asina kuona kuti dzainge dzaendepi.

“Ndakapfeka mbatya dzandakatengerwa idzi – shirt ne3-quarter short. Sezvo kwakanga kwave kudoka, ndakazomuti andiregere ndiende kumba nekuti ndaitya kuzorohwa nevabereki vangu. Mbatya dzangu chaidzo handina kuzodziona kana kuziva kwadzakaenda kusvika nhasi.”

Heri anoti Laiton akazodzokera naye panzvimbo yaakange asangana naye ndokunomusiyapo.

“Ndakanga ndasangana naye masikati kuma2 achibva azondisiya kuma6 zuva rodoka. Ndakanosvika kumba kuma7 ndikabvunzwa nevabereki kuti ndaiva kupi asi nekuda kwekamweya kakanga kandigara, ndakatanga kuvatuka,” anodaro.

Heri uyo anoratidza kuti njere dzake dzakanyatsoti kwesere kuburikidza nekunyatsorondedzera kwaanoita nyaya yake anoti zvisinei nekuti akanga asina kupa murume uyu nhamba dzake dzenhare, akazoshamisika ava kumuridzira nhare achimumhoresa.

Anoti murume uyu akazotanga kuuya kumba kwavo achimupa mari nekumutengera zvekudya.

“Vabereki vaisaziva zvose izvi sezvo murume uyu aingoita semunhu wandaiwirirana naye. Akazotanga kundipfimba kunyangwe ari murume asi ini ndichiramba.

“Rimwe zuva, akazouya negaba raiva nemazai matatu akapwanyiwa iri yolk bedzi apo aiva nevamwe vake mazimonya matatu vakandimanikidza kunwa mazai aya ari mambishi. Kubva ipapo ndakatanga kutevedzera nekuterera zvose zvavanoda,” anodaro.

Heri anoenderera mberi: “Imwe nyaya inondityisa ndeyekuti murume uyu ane buwe-buwe (spider) hombe rinogara rakanamira kumusana kwake iro rinofamba richimudya muviri wose. Ukariona unofunga kuti itattoo, ane ronda riri pahuro rakadzika mukati nepagurokuro apo buwe iri rinopinda richinodya nyama yake kusanganisira matumbu sekutaura kwake, uyewo rinonzi rinoyamwa ropa.”

Anoti musi wekutanga kubvakachirwa nemurume uyu kumba kwavo, akasiya amupa US$200 asi akazongoshaya mari iyi.

“Ndakamufonera ndikamuudza kuti mari iya ndaishaya, iye ndokuti sei ndaitsvaga mari murima zvisinei kuti akanga asingandione. Zuva rechipiri akazondipa zvakare US$100, zuva rechitatu akandisiira US$200 asi yose ndikaishaya.” 

Heri anoti paakazoramba achibvunza murume uyu pamusoro pekutsakatika kwaiita mari yaaimupa, akamuti anofanirwa kushandisa mari yose ichipera zuva iroro raanenge aipihwa.

“Nekufamba kwenguva, murume uyu akazondifonera achiti ndichanzwa zvinhu zvinoshamisa. Ndakabva ndazonzwa katsi dzaichema kubva munhare yake apo aitaura, ndokuzonditi zvandanzwa ndizvo zvaaida kuti ndinzwe achiti ndiko kwaibva mari yaanondipa.

“Akazoti anoda kuenda neni kuVictoria Falls onopinda neni mumvura. Akandipazve ring nenecklace izvo zvaipeny’a zvikuru zvaikonzera kuti pandaisangana nevanhu vose vacheuke nekubwinya kwazvo,” anodaro.

Ring iri anoti rakazosanduka rikaita zidatya uyewo necklace ichipinduka kuita zinyoka.

“Muridzi wezvinhu izvi ndakatya kumutaurira apo ndakatanga kuenda kumaporofita uko ndakataurirwa kuti ndakapinzwa muSatanism. Ndakanamatirwa ndikanzi ndirase ring iri nenecklace yacho, ndikazozviendesa nemvura muchimbuzi kumba,” anodaro.

Akakwira kombi, bhazi kana dzimwewo motokari, Heri anoti anonzwa mazwi anomuudza kuti ave kuda kukonzeresa tsaona inofa vanhu.

“Ndikanzwa izwi iri ndinobva ndakurumidza kutaurira vebhazi kana vekombi nemumota yandiri kuti vandiburutse. Kune dzimwe tsaona dzakaitika ndiri mumabhazi kana mudzimota ini ndichipunyuka asi vamwe vachifa,” anodaro.

Heri anoti murume wekumupinza muSatanism ave kupota achiuya kumba kwavo achimuita chingochani apo anenge aine vamwe vake vatatu.

“Pandakarasa ring nenecklace izvi, muridzi wazvo akabva azviziva ndokundibvunza kuti ndaisa zvinhu zvake kupi uye anoti anozvida. Pasina zvinhu izvozvo, akandipa chiga chekuti ndimupe mazita maviri ehama dzangu dzepedyo vemumba maamai vangu nemifananidzo yavo izvo ndisati ndaita,” anodaro Heri.

Anotiwo akapihwa zuva rekusvika musi wa5 Kukadzi kuti ange adzosa zvinhu izvi kana kuti amupa mazita nemifananidzo yehama kuti zvizoshandiswa pamhiko.

“Ndava kutya nekuti handikwanise kuendesa mazita evana vaamai vangu nemifananidzo yavo uyezve ring nenecklace zvaakandipa handina kwandichazviwana. Ndave kufunga zvangu kuzviuraya kana kutiza munyika muno nekuti vanhu ava vanondiuraya. Apa ndiri kungoona mazinyoka nematatya akawanda,” anodaro Heri.

Anoti murume uyu anomufonera achimuudza kwaari nezvaanenge achiita nguva nenguva izvo zviri kumushamisa kuti anenge azviziva sei.

“Baba vangu vakafa, ndasarirwa naamai nevamwe vandakaberekwa navo 10. Ndiri kuvataurira dambudziko rangu asi hapana ari kuda kundibatsira uye vatove kunditya. Ndaimbohodha ndichitengesa asi hapana chinhu changu chiri kutengwa,” anodaro Heri.

“Ndinongorota vanhu vachifa. Mari yandakagumisira kupihwa nemurume uyu i$600 iyo ave kugara achiridza nhare achiti anoida,” anodaro.

Heri anoti akagumirisa kuonana nemurume uyu nemusi weMugovera wakadarika apo akanga aenda kuBulawayo kuti anobatsirwa nemumwe muporofita.

“Pandakapesana naye ndichibva kuBulawayo, ndakazotanga kurwara zvikuru apo bhazi rakapotsa raita tsaona ndirimo. Tasvika kuNorton, ndakazotanga kurwara ndichivharwa mweya kusvikira ndazoendeswa kuchipatara cheNorton,” anodaro Heri.

Kune vanoda kubatsira murume uyu vanomubata panhamba dzinoti 0786 613 658 kana 0772 422 253.

Votaura nezviri kuitika kuna Heri, Dr Ibrahim Jumah vekuTynwald North, muHarare, vanoti murume uyu akatadza kubatsirwa dambudziko iri richanhanhira kuhama dzake.

Mashoko avo anotsinhirwa naProphet Tapiwa Freddy vachiti Heri anofanira kubatsirwa nguva ichiripo.

Archbishop Johannes Ndanga, avo vanova mukuru weApostolic Christian Council of Zimbabwe (ACCZ), vanoti vanhu vanofanirwa kungwarira zvavanobatiswa kana kutengeserwa nekuda kwekushereketa kwave kuita vamwe vanhu.

Ring iri anoti rakazosanduka rikaita zidatya uyewo necklace ichipinduka kuita zinyoka. ..

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>