‘Ndiwe wakandizadza chirwere’

04 Mar, 2016 - 05:03 0 Views

Kwayedza

Janet Chikotosa
MUKADZI wekuti murume wake akamupa chirwere ndokuzomudzinga muimba yekurara kuti awane mukana wekusasana neshamwarikadzi yake akazochema mudare neshungu. Jennifer Lunga akaudza dare reHarare Civil Court kuti murume wake, Newton Poya, anotuka vana vavo nezvinyadzi zvinosanganisira nhengo dzake dzakavandika.

“Vakuru vedare, handina kana mufaro kumba kwangu nenyaya yemurume wangu neshamwarikadzi yake. Mukanditarisa muviri wangu munobva matongozviona kuti ndiri murwere. Pandakatanga kurwara murume wangu ndipo paakatanga kushamwaridzana nemukadzi uyu.

“Anotuka vana pamberi pangu nenhengo dzemuviri wangu, kusanganisira vanakomana vabva zera uye anondituka kuti uri murwere, wasara mabhonzo chete asi ndiye akandipa chirwere,” akadaro.

Akati Poya akamudzinga mumba make mekurara kuitira kuti awane mukana wekusasana neshamwarikadzi yake.

“Zvinondirwadza zvikuru ndichiona murume wangu achiuya nemumwe mudzimai achisvikorara naye mumba. Kutaura kudai ndiri kutorara ndega mumba musina kana gonhi. Vana vanodzidzei pakadai baba vachishaya hunhu pamberi pavo?

“Shamwarikadzi yemurume wangu iyi yazondionesa chitsvuku nokuti kana vana murume wangu haachariritira. Chandinongokumbira kudare kuti vabve zvavo pamusha wangu vanodananirana kure. Handingavamise kudanana asi kwete pamusha pangu.

“Zvekuti ndichengetwe neshamwarikadzi yake ndichirwara handibvumirane nazvo, angasandiisira mushonga muchikafu here kuti ndife?” akadaro Lunga achisvimha misodzi.

Poya akaudza dare kuti kunyangwe zvazvo akaunza shamwarikadzi yake pamusha, mukadzi wake anomuda.

“Ini handipikisane nazvo kuti ndakaunza shamwarikadzi yangu pamusha asi mukadzi uyu ndinomuda. Takatanga kugara tese 1995 kusvika zvino. Handina kumbomuudza kuti handichamuda, asi ndatamburawo naye.

“Kurwara kwese kwaari kutaura ndini ndaimuchengeta. Hama dzake navanasisi vake vanogara pedyo asi vanouya zvavo pavanodira.

“Kumuchinja hembe kana amesa (kuzviitira tsvina) ndini ndinoita uye kuona kuti adya here nekugeza ndini. Kana achiti ndiri kumushungurudza ari kurevei?

“Ndakazofunga kutora shamwarikadzi yangu kuti indibatsirewo sezvo basa racho randiwandira ndiri munhurume kudai asi Lunga anoramba. Akangopona zvake ave kukwanisa kuzvishandira shamwarikadzi yangu iyi inokwanisa kudzokera kumba kwayo,” anodaro Poya.

Mutongi Babra Mateko akapa Lunga gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey