Neil Adams akasiya basa

09 Jan, 2015 - 09:01 0 Views

Kwayedza

NEIL Adams akasiya basa rake rekurairidza Norwich. Chikwata ichi, icho chinotambira muChampionship, chakataura kuti Adams asiya basa mushure mekugara mwedzi 9 kubvira paakatsiva Chris Hughton apo paakasayina kondirakiti yemakore matatu.

Norwich yakagara pechinomwe muligi iri mushure mekunge yahwina mutambo mumwe chete kubva pa10 yayakatamba gore radarika asi yakakundwa nechikwata chekuLeague One Preston muchikamu chechitatu cheFA Cup svondo radarika.

Mike Phelan, uyo aishanda naSir Alex Ferguson kuManchester United uye akatanga kushanda semurairidzi kuCity muna Mbudzi, ndiye achambenge ave kurairidza chikwata ichi kusvika pawanikwa anotsiva Adams asi Sky Bet iri kuti ndiye anogona kupihwa basa iri.

Adams, anotarisirwa kudzoka ane chimwe chinzvimbo mushure mekumbozorora kuita zvenhabvu.

“Ndinovimba chaizvo kuti tichiri mugwara chairo rekurwira kudzokera muPremier League,” akadaro Adams, uyo akatadza kuponesa chikwata chake kuti chisaburitswe muPremier League.

“Chikwata chino ndokwachinofanirwa kunge chiri. Asi ndinoziva kuti chifambire mberi panofanirwa kuitika shanduko kuti zvibodzwa zvitange kuuya.

“Ndinoshuvira chaizvo kuti chikwata ichi chibudirire zvakanyanya uye ndinoda kutenda vatsigiri vedu avo vainditsigira panguva iyo ndaive murairidzi.”

Norwich inoti iri pakati pekutsvaga maneja wayo mutsva uye shasha yakambotambira chikwata ichi, Darren Eadie, anoti anoda kuti murairidzi ane ruzivo rwakanyanya rwemutambo uyu agotsiva Adams.

Akaudza Sky Sports News HQ kuti: “Ndinoziva kuti Phelan anoda kuve maneja mune ramangwana.

Mukana uyu wauya nekukurumidza asingambofungire, asi ane ruzivo zvichitevera nguva yaange ari kuManchester United uye vatsigiri vese veNorwich vanoziva kuti anogona kubata basa sebasa.

“Ndinofunga kuti vatsigiri vanoda kuona munhu akaita saMike Phelan kana mumwe uyo ane ruzivo rwemutambo uyu padanho iri nekuti zvakakosha. — Sky Sports News

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>