New Africa Super Cup yaparurwa

23 Nov, 2023 - 20:11 0 Views
New Africa Super Cup yaparurwa Karen Rambai Mbisvi

Kwayedza

Abel Ndooka

ZVICHITEVERA kupera kwakaita ligi reKuwadzana Area Zone Soccer League masvondo adarika, mutambo mutsva weNew Africa House Super Cup knock out tournament wakabva waparurwa izvo zviri kuona zvikwata zvekuKuwadzana zvichitatsurana.

Sachigaro weKuwadzana Area Zone Soccer League – Karen Rambai Mbisvi – uyo anonyanya kuzivikanwa saSir Stoko, anoti mutambo uyu wakakosha sezvo uchibatsira kubika vatambi venhabvu vemangwana.

Anoti kupera kwakaita ligi ravo, hazvirevi kuti nhabvu inofanirwa kumiswa kutambwa asi kuti vechidiki vanoda kuramba vachidzidziswa mutambo uyu.

Sir Stoko anoti vatambi vechidiki vemazuva ano havasi vekusiya vari vega nguva yakareba nekuti vamwe vavo vanopedzisira vave kutora zvinodhaka.

“Zvichitevera kupera kwakaita mwaka wedu wegore ra2023, takavamba mutambo weNew Africa House Super Cup knockout tournament uyo uri kuona zvikwata zvinokwikwidza muligi redu reKuwadzana Area Zone Soccer League zvichibandana.

“Mutambo uyu wakakosha nekuti uri kubatsira kubvisa vakomana vakawanda mune zvinodhaka uye kubva zvakatanga ligi redu, tiri kuona shanduko huru muhupenyu hwavo nekuti vari kubatsirika nekuuya kuzotamba nhabvu,” anodaro.

Sir Stoko anoti mutambo weNew Africa Homes Super Cup unotarisirwa kupera musi wa10 Zvita apo vachazohwinisa mibairo inosanganisira mikombe, majezi nemabhora.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>