Ngatibatanei: Papa Mike

04 Nov, 2016 - 00:11 0 Views
Ngatibatanei: Papa Mike

Kwayedza

MUIMBI wemusambo weZim-Afro, Mike Nesongano, anoti zvakakosha kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvibatane mukusimudzira nyika.

Muchinda uyu nguva yadarika akabura   dambarefu rake rechipiri rinonzi ‘Batanayi One Zimbabwe One Nation’ iro rinokurudzira kubatana munyika.

Nesongano, uyo anonyanya kuzivikanwa saPapa Mike munyaya dzemhanzi, anoimba nechikwata cheThe Good Parents.

Muhurukuro neKwayedza pamusoro pedambarefu rake idzva iri, Papa Mike anoti donzvo rake nderekukurudzira zvizvarwa zvenyika ino kuti zvive nechido chekusimudzira Zimbabwe.

“Sevaimbi, zvakakosha kuti mhanzi yatinotsikisa ngaisave yekungonzi tatsikisa pasina chairi kuparidza, kwete.

“Tinoda chaizvo kuti ive nechainobatsira munharaunda dzedu dzatinogara.

“Ini hangu pandakatanga zvekuimba ndakazvipira kuti mhanzi yangu ngaive inoshandura hupenyu hwevanhu uye ichinakidza,” anodaro Papa Mike.

Parizvino Papa Mike atsikisa madambarefu maviri uye anoti ari mushishi rekubikisa DVD remadambarefu aya.

Muimbi uyu anoti anoimba musambo weZim-Afro unove musanganiswa wemisambo yakasiyana yemuAfrica.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey