Ngatipembedze basa rakanaka

30 Jul, 2015 - 13:07 0 Views
Ngatipembedze basa rakanaka

Kwayedza

PAKAPARURWA gwara ratiri kufamba naro nhasi uno mugore ra2000 mukurwisana neHIV neAIDS zvinhu zvainge zvakaoma asi mumakore anoita gumi nemashanu atafamba aya kusvika mugore rino ra2015 pava nemutsauko mukuru. Munhu aiti kungoongororwa ropa nekuonekwa kuti ane utachiona hweHIV kazhinji kacho pfungwa chaidzo ndidzo dzaitomupedza hurwere huchizotevera nekuti mishonga munyika muno wemaARV takanga tisati tave nawo.

Nyika dzakabudirira ndidzo dzaive nemaARV aizivikanwa nekuti brand uye aidhura samare, aitotengwa neshoroma. Mukufamba kwenguva, vanamuzvinafundo kunyika yeIndia vakazoita ustanzi vakaburawo maARV akangofanana simba neaya aigadzirwa sebrand zvakaita kuti mutengo wawo udzike zvekuti nyika dzichiri kusimukira0 dzakakwanisa kuatengawo.

Pasi rose rakaisa musoro pamwe chete richitungamirirwa neUnited Nations rakabvumirana zvisungo zvavakati izvi mukupera kwegore ra2015 tinofanira kunge tazvikunda.

Zvitsidzo izvi zvinozivikanwa nekuti maMillenium Development Goals (MDGs). Sangano reUNAIDS svondo rakapera rakafara zvikuru kuzivisa kuti MDG 6 iyo inotarisira kumisa kupararira kweutachiona hutsva hweHIV yakanga yava munhava.

“Zvakatarwa paMDG 6 kumisa kupararira kweutachiona hutsva hweHIV nekupa upenyu hune kodzero kune vanorarama neutachiona hweHIV takwanisa kusvika pataida. Tadarika nechinhambwe zvinove zvinofadza uye kune mwedzi yakati kuti gore risati rapera naizvozvo tinofadzwa nekuve pamusoro pezvakatemwa izvi.

“Utachiona hutsva hwadzikira nechikamu che35 percent uye ndufu dzinokonzerwa neAIDS dzaganhurwa zvakare nechikamu che41%. Kuveko kwemaARV kwapa hupenyu hwaigona kurasika kuvanhu 8 miriyoni kubva mugore ra2000. Kuvepo kwechenjedzo nezivo kwakonzera kuti vanhu vanosvika 30 miriyoni vasabate utachiona hweHIV. Nhasi tinopembera nekuti kudhonzerwa shure kwaivepo mugore ra2000 kwapera tave kudhonzera mberi,” vakadaro VaBan Ki-moon vanove Secretary General weUnited Nations apo vaitaura kuJoint United Nations Programme nguva yadarika.

Vakati hazvichadi kurara nezamhu mukanwa nekuti zvataisa munhava zvingadonhe.
“Parinhasi hatifanhirwi kuzorora, pasi rose rinofanira kuzvipira kuti tipedze denda reHIV nekupararira kwaro mugore ra2030. Izvi zvinogonekwa tikaramba takasunga kwete kuita zinyekenyeke,” vakadaro

Mudzimai anorarama neutachiona, Shingi Matogo anoti izvi zvinotendwa uye bhora rinofanira kuroverwa mberi.
“Idzi inhau dzinofadza kuti nhasi kupararira kweutachiona hutsva hweHIV kwavharirwa mubhegi. Asi tichiri kuona utachiona hutsva, kunyanya mune vechidiki vachangotanga bonde naizvozvo pachine kamoto kamberevere apa. Chimwe chandinoda kutaura ndechekuti sei kurapwa kwezvirwere zvepabonde kuri kukwira mumakiriniki nezvipatara kana tanzwisisa nhau iyi? Zimbabwe inonzi ndiyo chamakuvangu pakushandisa makondomu. Kana zvakadaro pane pasiri kuringana pazvirwere zvebonde nekushandisa kwakanaka kwemakondomu,” akadaro Matogo.

Zvinofadza kunzwa kuti tave kushambira hatisisiri kuzvinyudze munhau yekukunda kupararira kweutachiona hutsva hweHIV.

Wenyu:[email protected]

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey