Uncategorized

Ngwarirai kubirwa pakutenga: ZRP

27 Sep, 2021 - 16:09 0 Views
Ngwarirai kubirwa pakutenga: ZRP Asst Comm Nyathi

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ari kuyambira vatengi vemuzvitoro kuti vasiyane nevanhu vanoenda kwavari vachivabvunza kuti vanoda kutenga nemari yemuno here (bond notes) kana yekunze sezvo vanogona kuzoteverwa varivara vobirwa mari yavo nemakoronyera aya.
Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanokurudzira veruzhinji kuti vakurumidze kutaurira vakuru vezvitoro zvavanenge vari kana vasangana nemakoronyera aya kuti vasungwe.

“Semapurisa, tiri kupa yambiro kuruzhinji kuti kana vachitenga muzvitoro vasiyane nevanhu vanowanikwa vachimberereka mukati vachiti vanogona kuvatengera zvinhu ne’swipe’ ivo vovapa mari dzemabond notes avainawo kana kuti maUS$.

“Tine nyaya dzevanhu vari kuzoguma vabirwa mushure mekuita zvibvumirano zvakadai apo vanozoteverwa kunze vachibirwa mari yavo nemakoronyera aya. Nyaya idzi dziri kuitika kunzvimbo zhinji dzenyika,” vanodaro Asst Comm Nyathi.
Vanoti makoronyera aya anenge aine vamwe vavo kunze kwezvitoro avo vanozotevera vanhu vachinovabira.

“Tiri kuita misangano nevakuru vezvitoro kuti vachengetedzi vezvitoro zvavo vakurumidze kudavidza mapurisa kana vaona nyaya dzakadai kuti vatengi muzvitoro vasabirwe,” vanodaro.

Asst Comm Nyathi vanoenderera mberi vachiti, “Makoronyera, maguruvhani nenhubu vari kugara vachisandura nzira dzavo dzekuba zvinoda kuti vanhu vangwarire nguva dzose.”

Nyaya dzevatengi vari kuguma vabirwa nemakoronyera muzvitoro dzinonzi dziri kuwanda kunzvimbo dzinoti Harare, Bulawayo, Mutare, Beitbridge, Marondera nekuBindura.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>