Uncategorized

‘. . . ngwarirai muzvikoro’

19 Nov, 2020 - 00:11 0 Views
‘. . . ngwarirai muzvikoro’ VaRusike

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
SANGANO reCommunity Working Group on Health (CWGH) rinoti zvakosha kuti patorwe matanho akasimba ekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 muzvikoro.

Izvi zvinotevera kubatwa kwakaitwa vana 100 vepachikoro cheJohn Tallach Secondary School iri kuMatabeleland North nedenda iri svondo rino pamwe chete nevarairidzi vasati vazivikanwa huwandu hwavo.

Chikoro ichi chakatovharwa uye chave kushandiswa senzvimbo yekuchengetera varwere veCovid-19.

VaItai Rusike, avo vanova executive director weCWGH, vanoti kuvhurwa kwezvikoro kwakakosha zvikuru kuitira kuti fundo inderere mberi asi panofanirwa kutorwa matanho akasimba ekudzivirira kupararira kweCovid-19 muzvikoro.

“Tiri kushushikana nenyaya dzekusatevedzera zvinodiwa mukudzivirira chirwere cheCovid-19 munyika muno apo tiri kuona vana vechikoro pamwe nevabereki vavo vasisiri kupfeka mamasiki, vachiungana muzvikoro kana pamisangano uye kugezwa kwemaoko kwaderera. Vamwe vanhu vatova nekapfungwa kekuti chirwere ichi chakatodarika zvinova zvava kuita kuti vaite sevatambanuka vasingachacherechedzi nzira dzekudzivira dzakatarwa nesangano reWorld Health Organisation,” vanodaro.

Vanoti paongororo yavakaita, vakaona kuti vamwe vana vechikoro havatorina kana ruzivo maringe nekudzivirirwa kweCovid-19.

“Zvinorwadza kuti mune zvimwe zvikoro vana vachiri kuungana uye vasina kupfeka mamasiki kana iyo mvura yekugeza maoko vamwe havatorina zvinova zvinoisa upenyu hwavo nehwevavanosangana navo panjodzi,” vanodaro VaRusike.

Vanoenderera mberi: “Zvikoro zvinofanira kurwira kuchengetedza upenyu nekuti kudzivirira chirwere ndiwo mushonga mukuru unokunda kuzochirapa.”

Vanoti zvinorwadza zvikuru kuona vadzidzi vachibatwa nechirwere cheCovid-19 sezvakaita vepachikoro cheJohn Tallach Secondary School.

“Zvinorwadza kuti vadzidzi vepane chimwe chikoro mudunhu reMatabeleland vakabatwa nechirwere cheCovid-19 svondo rino. Kunyevenutswa kwakaitwa mitemo yelockdown hakurevi kuti vanhu vanofanira kutambarara serunyemba,” vanodaro.

Vanoti chirwere cheCovid-19 chiri kunyuka kepiri kunyika dzakadai seFrance, United Kingdom, Poland, Netherlands neSpain nekudaro zvakakosha kuti veruzhinji varambe vachitevedzera matanho akatarwa ekurwisa denda iri.

“Tine nyika dziri pedyo nesu seKenya neSouth Africa dzakatotanga kuita zvimwe zvisungo zvekudzivirira mikana yekunyuka kechipiri kweCovid-19. Ngatitevedzeri zvinodiwa tichiramba tichichengetedza utsanana kuitira kuti Covid-19 isapararire. Ngatisavarairwe nekuti Covid-19 ichiriko,” vanodaro.

Ongororo yakaitwa neKwayedza muzvikoro muguta reHarare, kuMasvingo nekuChitungwiza inoratidza kuti veruzhinji, kusanganisira vana vechikoro, hachina hanya nekupfeka mamasiki kana kuita hutsanana hwekugeza maoko nemvura ine sipo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>