‘NHABVU HANDI MARI’

29 Sep, 2023 - 00:09 0 Views
‘NHABVU HANDI MARI’ Maronga Nyangela

Kwayedza

Abel Ndooka

SHASHA yakambonetsa munhabvu — Maronga “The Bomber” Nyangela — anoti vatambi vemazuva ano vanofanirwa kuve nechido nemutambo uyu, vasatungamidze mari kumberi uye anorwadziwa achiona kuparara kwaita nhandare dzakaita seStodart kuMbare idzo dzakabura vatambi vakaita mukurumbira.

Bomber akakura achitamba nhabvu nevatambi vanosanganisira mushakabvu Eddie “Madhobha” Katsvere muLeague rakanetsa kare rainzi SADAFA Premier League.

Mitambo mizhinji iyi yemuSADAFA Premier League yaitambirwa kunhandare dzakaita seStodart uye neMbare Number 5.

Vamwe vatambi vane mukurumbira vakambotambira nhabvu yavo kuStodart vanosanganisira Japhert Mparutsa, David George, George Shaya, Edward Muchongwe naKatsvere.

Bomber anoti kusakara kwaita nhandare idzi kunomurwadza zvakanyanya.

“Isu tichakura tichitamba nhabvu, taienda kunhandare dzakaita seStodart nekuNumber 5 kuMbare uko kwataitambira mitambo yeSADAFA Premier League, nhabvu yainakidza zvikuru uye kwaitambwa nhabvu yepamusoro.

“Asi iye zvino manje tikatarisa nhandare dziye dzasakara hadzichakosheswe asi dziridzo dzakashanda kubika vatambi vakawanda vakaita mukurumbira.

“Ndinonzwa kurwadziwa ndichiona nhandare idzi zvadzave kutaura kuno, dzave kungosiwa dzichiparara asi dzine nhoroondo huru yekubika vatambi vakamirira nyika yedu kumitambo mikuru,” anodaro Bomber.

Bomber akazvarirwa akakurira kuNational kuMbare uye ndokudzidza pachikoro cheNharira Primary School apo akaita zvidzidzo zvake kusvika Grade 7.

Haana kuzobudirira kuenda mberi nedzidzo yake nekuti vabereki vake vakamushayira mari izvo zvakazomutuma kuswera ari kunhandare dzakaita seMbare Number 5 uko aienda kunotamba nhabvu.

Ari kutamba kuSADAFA, mugore ra1983 Bomber akasangana naBornface Makorozo uyo aitambira Black Aces Football Club akamukurudzira kuti auye kuzozama raki rake ndokubva afarirwa nevarairidzi vechikwata ichi.

Anoti paakaenda kuBlack Aces, vakaenda vari vanomwe pachidiwa vatambi vatatu uye Moses ‘Bambo’ Chunga mumwe wevatambi vaivepo asi akatadza kukwana muchikwata ichi ndokuzoenda hake kuDynamos.

“Ndakashevedzwa kuti ndizozama raki rangu kuBlack Aces tikaenda tese pamwe chete naMoses Chunga asi Bambo hameno sei haana kutorwa ini ndikapinda muchikwata ichi pamwe chete naBrenna Msiska, Sunday Masauso, Bonnie Makorozo nevamwe vakasiyana.

“Kuchikwata ichi kwaive naPeter Manyara uyo aive kaputeni wedu nevamwe vakaita saArchford Chimutanda,” anodaro.

Atorwa neAces, ndipo paakatanga kutamba muPremier League uye mumwaka wake wekutanga akapedza achitevera kumashure kwaShackman Tauro pavatambi vakanwisa kakawanda.

Ari kuAces, matambiro ake akafadza Peter ‘Thunder Boots’ Nyama uyo airairidza maYoung Warriors Under 20 ndokubva amushevedza kuzotambira chikwata ichi chaive nevamwe vaisanganisira Madhinda Ndlovu, Boy Ndlovu naJoseph Machingura.

Anoti panguva iyi, chikwata chavo chaive chizere vatambi vepamusoro.

“Ndinorangarira panguva yandakashevedzwa naPeter Nyama kumaUnder 20 taive nechikwata chizere vatambi vepamusoro saka taisatambira nhabvu kutsvaga mari zvatave kuona mazuva ano asi taitambira kuremekedzwa nevanhu zvekuti tikasangana nevanhu mumigwagwa zvaifadza kunzi ndiye Bomber uyo uchingomhoreswa,” anodaro.

Atamba zvainwisa mvura kumaUnder-20, Bomber anoti aive mutevedzeri waPeter Nyama kumaUnder-20 – Ashton ‘Papa’ Nyazika – akabva amunyengetedza kuti auye kuzotambira Black Rhinos.

Izvi zvakaona achienda kuchikwata ichi mugore ra1984 apo chaive nevatambi vakaita saStanford ‘Stix’ Mutizwa, Stanley ‘Sinyo’ Ndunduma, Hamid Dhana, Gift Makoni, Japhet Mparutsa naLovemore Chikuna.

Gore raakasvika kuRhinos, ndipo apo Chauya Chipembere yakabva yasimudza mukombe wePSL ichibva kuDivision One.

Mumwaka mumwe chete uyu, chikwata ichi chakatorawo mukombe weZifa Cup izvo zvakaona chichiwana tikiti rekuenda kunomirira nyika mumutambo weCAF Champions League.

Vazhinji vanoziva Nyangela achingonzi Bomber asi vazingazive kwakabva zita remadunhurirwa iri.

Anoti zita iri rakaritumidzwa nemushamarari wenhabvu aive nemukurumbira Evans Mambara uyo akatanga kumuti Bomber nekuti ainwisa mabhora aishamisa zvikuru.

“Evans Mambara ndiye akatanga kundishevedza kuti Bomber nekuti ini ndainwisa bhora nemakumbo ese pamwe nemusoro uye mabhora acho aisabatika zvekumhanya. Saka Mambara akatanga kungonditi Bomber zvikabva zvatopfumbira kuvatsigiri venhabvu.

“Rimwe zuva ndiri kufamba zvangu, ndakangonzwa vanhu vachingoshevedzera kuti ‘Bomber, Bomber’ saka ndakashaya kuti Bomber wacho ndiani. Ndakabvunza kuti ko Bomber ndiani, zvikanzi handiti ndiwe Maronga Nangela here, ndikati ndini, zvikanzi Bomber izita rako remadunhurirwa rawakapihwa naEvans Mambara.

“Zita iroro rakauya pamusana pekubhomba kwandaiita nemusoro nemakumbo zvese apo ndainwisa.

“Ipapa ndipo panguva pandakahwina mubairo wetop goal scorer kwemakore matatu,” anodaro.

Kunyangwe hazvo aive nembiri yekubhomba achinwisa, Bomber anoti vatambi vemukashure vaimushaisa hope vanosanganisira Ephraim ‘Rock of Gibraltar’ Chawanda weZimbabwe Saints, Francis Shonhayi weDynamos naFelix Mtutu uyo aitambira chikwata chainzi Olympics chekuBulawayo.

Kuchiti kuvabati vepagedhi anoti sahwira wake, Brenna Msiska, aisada zvekunwiswa naye zvachose.

“Msiska aive shamwari yangu, takabva tese kure ende patakazosiyana zvikwata aisada zvekunwiswa neni, aindishungurudza. Asi ndakazomunwisa zvechikiribidi muRufaro izvo zvakazozarura mukana wekugara ndichimunwisa,” anodaro.

Maronga Nyangela aine vatambi veBudiriro Academy. – Mufananidzo naAbel Ndooka

Mazuva ano Bomber anoswera ari pachikoro cheBudiriro High 2 muguta reHarare achirairidza vechidiki nhabvu pasi peboka reBudiriro Academy iyo anove mwene wayo.

“Ndakatanga Academy yangu iyo yave nemakore anodarika 12. Ndine rudo rwekuona vechidiki vachibudirira muhupenyu hwavo saka ndiri kuvadzidzisa nhabvu ndichivabatsira kuronga remangwana ravo.

“Vana vedu ngatishande navo tisavasiye vachiswera vachimberereka mumigwagwa nekuti ndipo vanozopedzisira vave kutora zvinodhaka vozokanganisika hupenyu hwavo.

“Chishuviro changu kuwana vakotsveri vanokwanisa kuuya vazondibatsirawo nezvinhu zvakasiyana zvinosanganisira mabhora, mayunifomu nenhandare yakanaka yekutambira,” anodaro Nyangela.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>