Nhabvu inoda vechidiki: Broom Boy

22 Sep, 2023 - 10:09 0 Views
Nhabvu inoda vechidiki: Broom Boy David Geroge nemudzimai wake, Jennifer George, vachiyeva mufananidzo wake panguva yaaitamba nhabvu

Kwayedza

Abel Ndooka

SHASHA yakambonetsa ichitambira Dynamos nemaWarriors — David “Broom Boy” George — anoti kuti nhabvu yemuZimbabwe isvike kure zvakakosha kubika tarenda revechidiki kuburikidza nerubatsiro rwevatambi vakaita mukurumbira uye nhandare dzinofanirwa kuvandudzwa kusvika padanho repamusoro.

George mumwe wevatambi vakakura panguva iyo vaienda kubasa vodzoka vachitamba nhabvu mushure mekunge vapedza kuita mabasa avo akasiyana.

Panguva iyi vave kutamba nhabvu, yaitanga masikati kuchitamba zvikwata zvevechidiki vakamirira zvevakuru izvo zvaizotamba masikati.

Anoti iye zvino hakuchina zvikwata zvevechidiki zviri kunyatsoshanda kubika vatambi vemangwana izvo zviri kudzorera nhabvu yemuno kumashure.

“Handikwanise kuti ndirayire vechidiki kuti itai izvi neizvi mugobudirira munhabvu, asi ndinotopa kurudziro kuhutungamiri hwenhabvu hwakaita seZifa kuti gadzirisai zvinhu nhabvu yedu ifambe zvakanaka.

“Ngapave nemaligi evechidiki akanyatsosimba chaizvo anoshanda zvekuti musi wemitambo kunotanga kutamba zvikwata zvevechidiki zvevakuru zvozotamba masikati.

“Panguva yedu, taiziva kuti na10 kuseni nhandare yainge yazara vatsigiri venhabvu vachida kuona vechidiki vachitamba.

“Isu taizoziva kuti kune mutambi nhingi ari kunetsa kuchikwata cheDynamos Juniors zvekuti taiona kukura kwake munhabvu, iye zvino vatambi variko hatizive kuti vakabva nepi, vanoita sevanongomuka vachitamba muchikwata chevakuru,” anodaro.

George anoti shasha dzakambonetsa munhabvu dzakaita saiye dzinofanirwa kuremekedzwa uye voshavedzwa kuti vauyewo kuzobatsira mukusimudzira nhabvu sezvo vane ruzivo rwakakura rwemutambo uyu.

David George

“Isu takatamba nhabvu asi ndikaenda kuNational Sports Stadium ndichida kuona maWarriors achitamba ndinonzi bhadhara upinde, kana usina mari dzokera kumba, asi woona munhu asina kumbotamba nhabvu achipinda munhandare mahara.

“Isu takatamba nhabvu hatisi kuremekedzwa, tinoda kupihwa ruremekedzo rwakakodzera rwunofanira uye tishevedzei tikupeiwo ruzivo rwatinaro kuitira kuti mutambo wedu usimukire,” anodaro George.

Anotiwo dambudziko rekushaikwa kwenhandare dzinokodzera kutambirwa nhabvu yemitambo yepasi rose muZimbabwe rinofanirwa kugadziriswa nekukasika.

Pari zvino muZimbabwe hamuna nhandare iri padanho rekuti igotambirwa mitambo yenyika izvo zvichazoona chikwata chemaWarriors chichitambira mitambo yacho kunyika dzakaita seSouth Africa neBotswana.

Dambudziko iri range richiona zvekare muHarare musina kana nhandare imwe yange ichitambirwa mitambo yeCastle Lager Premiership apo zvikwata zvakaita seDynamos zvichinotambira mitambo yazvo kuBabourfields Stadium, kuBulawayo.

Izvi, sekutaura kwaBroom Boy, zvinorakidza kusarongeka kukuru.

“Hakuna nhandare dzenhabvu, chikwata chihombe chakaita seDynamos choenda kunotambira mitambo yacho kuBulawayo nekuti muno muHarare muri kunzi hamuna nhandare?

“Izvi zvega zvinotorakidza kuti hapana kwatiri kuenda nebhora,” anodaro Broom Boy.

George akazvarwa mugore ra1952 kuMbare uko kwaakakurira achiona vatambi vaive nemukurumbira vakaita saGeorge ‘Mastermind’ Shaya, Peter ‘Thunder boots’ Nyama naDavid Madunu vachitamba nhabvu avo vakaita kuti ave nerudo nemutambo uyu ndokuzotevera mumatsimba avo.

Achitanga kutamba nhabvu, George aienda kuStodart kuzvikwata zvakasiyana ndokuzoenda kuNimfa Rovers uko kwakatangira rwendo rwake rwemutambo uyu.

Panguva iyi ari kuNimfa Rovers, George akange ave kutoshanda uye chikwata ichi chaive chekambani yeNimfa.

Atamba kuNimfa Rovers kwekanguva, akazobva ndokuenda kuMutanga Rovers iyo yaitungamirira nemuridzi webhawa raive kwaMachipisa kuHighfield rakambonetsa zvikuru rainzi Mutanga Night Club.

Mugore ra1975, ndipo pakazopenya nyenyedzi yaGeorge apo akatengwa neDynamos uko akazoita mukurumbira kusvika pakupihwa zita rekuti Broom Boy.

Anoti zita remadunhurirwa iri rakabva kuvatsigiri venhabvu vaiyemura zvikuru hunyanzvi hwaaive nahwo hwekunzvenga vatambi vezvimwe zvikwata.

“Panguva yandakatamba bhora, ndainzvenga chaizvo izvo zvakazoona vatsigiri venhabvu vachindishevedza zita rekuti Broom Boy.

“Wega ukangonzwa kuti broom zvinorevei? Broom mutsvairo saka ndaitsvaira vanhu chaizvo mumitambo nekudaro vatsigiri venhabvu vainakidzwa nazvo ndokubva vazondipa zita rekuti Broom Boy,” anodaro.

Kunyangwe hazvo achiti aive nyanzvi yainzvenga zvikuru ichishaisa hope vatambi vezvimwe zvikwata, George anoti vatambi vakaita saRodrick Muganhiri aitambira Black Aces, Douglas Moloi weHighlanders naEphert Lungu vatambi vekumashure vaimumaka zvakasimba.

“Panguva yedu, hongu ndaisuka chaizvo, asi kune vamwe vatambi vandaisangana navo vakange vasingasukike zvakumhanya vaisanganisira Rodrick Muganhiri, Douglas Moloi naEphert Lungu. Ava varume ava vaivhara bhora uye pataisangana taisvitsana kumapena chaiko,” anodaro.

George akatambira Dynamos kusvika gore ra1983 apo akazosendeka shangu dzake zvichitevera kukuvara kwaainge aita gumbo ndokubva apinda mune zvekurairidza nhabvu.

Panguva yaakatamba nhabvu, akatamba mitambo yakawanda zvikuru.

Asi anoti haakanganwe mutambo weDynamos neOrlando Pirates yekuSouth Africa mugore ra1976.

Mumutambo wekutanga wakatambirwa kuSouth Africa, Dynamos yakakundwa 4-1 asi ndokuzohwina 5-2 pavakatambirwa muno apo iye George anoti akanwisawo.

Chikwata chePirates ichi chaive nevatambi vaive nemukurumbira vakaita saJomo Sono naShacks Mashaba.

“Nanhasi ndinongorangarira mutambo uyu nekuti waive mukuru kwatiri uye ndakange ndichiri mudiki. Ndakatamba ndokubva ndanwisa apo patakakunda Orlando Pirates muno saka mutambo unogara uri mundangaririro dzangu,” anodaro.

Murwendo rwake rwekurairidza nhabvu, akatanga kushanda kuDynamos kuzvikwata zvevechidiki ndokuzobva akambonorairidza kuDivision One kuzvikwata zvinosanganisira GMB Aspindale neAshanti Mine.

Akazobva zvekare ndokuzonorairidza Motor Action panguva yaJoey Antipas.

George akashandawo ari mutevedzeri kuDynamos kuchikwata chaSunday Chidzambwa icho chakasvika kufainari yeCAF Champions League mugore ra1998 uye aive mutevedzeri waDavid Mandigora muna2007 apo Dynamos yakasvika kusemi-final yeCAF Champions League zvekare.

Pari zvino Broom Boy ari kugara kuGlen Norah A, muHarare nemudzimai wake Jennifer George pamwe chete nevana vavo nevazukuru.

Mudzimai wake anoti vakaroorana mugore ra1969 panguva iyo George akatanga zvenhabvu.

“Ini naDavid tachengetana kwemakore akawanda, takaroorana mugore ra1969 tichiri vadiki David achangotanga zvenhabvu ndokubva takomborerwa nevana vana (4).

“Pavana vedu, Enock George ndiye mukuru uye akambotambawo nhabvu kuDynamos Juniors asi haana kuzosvika kure nekuti akakurumidza kuzokuvara gumbo rake ndokubva asendeka shangu dzake dzenhabvu.

“Kuchiti mwanakomana wedu wechipiri, Robbie George, akatambawo futi nhabvu kuDynamos nekuSporting Lions uko aive muchikwata chimwe chete naKalisto Pasuwa naLloyd Mutasa,” anodaro Jennifer.

Broom Boy akazoita mwanakomana anonzi Innocent Chikoya nemumwe mukadzi uyo akanetsa zvikuru munhabvu izvo zvakamuona achitambira Fire Battries, Money Rangers yekuSouth Africa pamwe chete neOrlando Pirates.

Share This:

Sponsored Links