Uncategorized

Nhumbu inoshaya muridzi sei?

31 Jul, 2015 - 00:07 0 Views

Kwayedza

KARE vasikana vaikura vachinzwa nekuziva kuti unoroorwa kana wakura. Asi zvekuti unoita bonde vakanga vasingazvizive. Kare vasikana vaisaita nhumbu dzisina varidzi. Takatotangawo kudziona nekudzinzwa mazuva ano kuti munhu anogona kuita nhumbu, asi igoshaya muridzi.Kare vakomana vainge vashereketa nevasikana vaibvuma mhosva dzavo, vobva vatora mwana wevaridzi vogara naye semudzimai. Mazuva ano, vakomana vave kushereketa, kana musikana aita nhumbu, voramba kuti ndivo vakapa musikana pamuviri. Dzimwe nguva unotoona nevabereki vemukomana kutomira zvinotyisa vachiramba kuti nhumbu iri kupomerwa mwana wavo haisi yake. Ungati pazvakaitika vakanga varipo.

Mazuva ano, kune vasikana vanoshamisa. Kana vakange vaitiswa nhumbu, vanobvuma kufurirwa kuti vabvise mimba yacho. Asi chavasingazive ndechekuti, anorwara, uye anosara aine utano hunenge hwembwa ine gwembe ndiye musikana abvuma kubvisa nhumbu.

Mukomana anokurudzira musikana kubvisa nhumbu, asi musikana iyeye anogona kufa, kana kusazoita mwana zvachose muupenyu hwake. Variko vasikana vakabvisiswa nhumbu, asi vakazoti vawana mukomana akavaroora, mbereko ikaramba. Ipapo munhu ndipo paanotanga kufunga nhumbu dzose dzaakabvisa.

Asika, kunze uko kune vamwe vanhu vari kutorambwa nekuti vari kutadza kuita mwana.
Mazuva ano, vana vave kuitawo vana vavo zvekuti kana mwana akatanga kuchema, naamai vacho vanenge vachichemawo nekuti havazive kuti voita sei. Ukasvikapo unototanga wanyaradza amai kuitira kuti ivo vozonyaradza mwana.

Kare kuzvara kwakanga kuri kwevanhu vakuru, asi mazuva ano kwave kwetwudhori. Unoona kamwana kadiki kari kufanirwa kukura, kari kufanirwa kutamba nevamwe kumahumbwe kachitosunda dumbu.

Nhamo yaveko ndeyekuti vanhu vaidzidzisa vana vave mavendor. Vari kuswera vachitengesa kuti vararame. Asi kutengesa kana kushanda hakubatsire kana uchizoviga mwana wako asati asvika makore 30 okuzvarwa chaiwo. Vamwe ndivo vave nenungo chaidzo dzekutaura nevana kuti kumhanya hakusi kusvika. Takarasika papi chaipo?

Kana tikasiya vana vachiita vana, hatisi kuvaudza kuti vatye Mwari uye vazive kuti miviri yavo itembere yaMwari.
Vana ngavakure, vatsigirwe, vaudzwe kuti kana wazvara warasikirwa nemikana yekukura pazvinhu zvakawanda. Imo mumusoro mevakomana nevasikana vari kuita bonde vasati varoorana mune kutya Mwari here? Mwari akati mukadzi ucharwadziwa nemimba pakuzvara, kwete musikana.

Mukadzi zvinoreva munhu akaroorwa nemunhu akamupa nhumbu. Ivo vakomana nevasikana vari kuita bonde – rakadzivirirwa nerisina – vanoziva here kuti vari kudenha Mwari? Nekuti munhu akasikwa nemufananidzo waMwari.

Kare nhumbu dzaiyera, dzaityisa. Asi nhasi kuita nhumbu nekubvisa mimba zvave kunge kutsenga nekusvipa bhabhurigamu.
Kuita zvebonde ndekwevanhu vakazvipira kuti vachachengetana, uye vachachengeta mwana wavachazvara. Kana vanhu vakaroorana ngavazive kuti Mwari anoti, “Ndinovenga kurambana.” Nemhaka yei Mwari achivenga kurambana? Nekuti vanhu vari kutambisa mufananidzo wake.
Vanhu vanorambana vanotambudza vana – inovawo zvakare mifananidzo yaMwari. Vanhu vanouraya vana, nekubvisa nhumbu – vari kuuraya Mwari, vari kuita zvakarambidzwa naMwari kuti, “Usauraya.”

Pasichigare vanhu vasati vave kuroorerana runako, mari, weave, mahips nemamwe marara – vanhu vaikoshesa kugarisana, kukudza vana pamwe chete nekuchengeta vana vavanenge vapihwa naMwari.

Vafundisi, regai kunyenyeredza vana vari kuita nhumbu muchirega kuvaudza kuti nhumbu yeasina kuroorwa inoreva hupombwe, kunze kwekunge munhu akabatwa chibharo. Zvave kuita vana mazuva ano zvekuita maparty, vachidhakwa nekuita bonde newese-wese ndiko kunonzi kurova Mwari marambakutya!

Musade nyika, nekuti nyika yakaramba Jesu!

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>