Nyakoko onanga kuusa

02 Apr, 2015 - 19:04 0 Views
Nyakoko onanga kuusa

Kwayedza

Abel Ndooka
SHANGWITI yemujaho wewiricheya Wilson Nyakoko ari mukembi umo ari kugadzirira kuenda kuUnited States of America kunokwikwidza mumijaho mitatu inoti Annual Kesselar Foundation 10km Road Race, Peachtree 10 km Road Race neweBoilermaker muna Chivabvu. Mijaho iyi ichamhanyirwa kuAtlanta, New York, New Jersey nekuMinnesota.

Nyakoko anoti anotarisira kuenda kunokwikwidza mumijaho yose iyo yaakakundikana kuenda gore radarika nekuda kwekushaya vakotsveri.
Zvakadaro,muchinda uyu anoti parizvino ari mushishi yekutsvaga US$7 000 kuti rwendo rwake rubudirire uye ari kumbira kune vakotsveri kuti vamubatsirewo.

“Ndiri kugadzirira zvakasimba nekuti ndiri kuda kuenda kuAmerica gore rino kunomhanya kumijaho mitatu iyi.
“Mujaho mukuru wandiri kufambira ndeweBoilermaker uyo uchamhanyirwa kuNew York asi ndasvikako ndichanokwikwidza mune mimwe inoti Annual Kessler Foundation 10 km Race, Peachtree Road Race uye pamusoro pazvo ndichambonoita nguva ndiri kukembi yeWheelchair Sports Camp kuMinnesota.

“Chinangwa changu chikuru kunosimudza mureza wenyika yangu chete uye ndichazoshandisawo mukana uyu kuona shamwari dzangu dziri kunyika iyi.

“Kuti rwendo rwangu rubudirire ndiri kuda US$7 000 saka ndiri kutsvaga nepandinogona kuti ndiiwane ndiende,” akadaro Nyakoko.
Nyakoko ane mukurumbira wekuhwapura menduru mumijaho yakawanda uye mwedzi ichangodarika akatora yegoridhe kuSouth Africa kumujaho weOtaniqua Wheelchair Challenge.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>