Uncategorized

Nyakuita mwana mudzimai otsvagwa

10 Dec, 2021 - 14:12 0 Views
Nyakuita mwana mudzimai otsvagwa

Kwayedza

Abel Zhakata

MURUME anopinda chechi yeJohanne Marange Apostolic Church, Hatirarami Momberume (26) – uyo akatarisana nemhosva yekukonzera kufa kwemusikana wemakore 14 okuberekwa uye kuita bonde nepwere – nemusi weChipiri haana kuenda kudare kuri kutongwa nyaya yake zvikaita kuti apihwe samanisi rekusungwa.

Anna Machaya akafa apo aibara mwana panzvimbo yechitsidzo yechechi iyi kwaMarange.

Momberume nguva pfupi yadarika akabhadhariswa bhera re$50 000 nemutongi wedare reMutare High Court, Justice Isaac Muzenda.

Zvisinei, musungwa uyu haana kuenda kudare nemusi weChipiri svondo rino apo nyaya yake yaienderera mberi nekutongwa.

Vakafanobata chigaro cheMutare regional magistrate, VaRichard Ramaboa, vakapa samanisi rekuti Momberume asungwe zvichitevera kusaenda kwaakaita kudare.

Nemusi weChipiri, dare rakamirirwa naVaTirivanhu Mutyasira vanova Mutare District prosecutor, raifanira kupa Momberume zuva waizotongwa nyaya yake.

Gweta raMomberume, VaBrian Majamanda, vekambani yeKhupe and Chijara Law Chambers vakaenda kudare asi musungwa uyu ainge asipo.

Momberume ari kupomerwa kukonzera rufu rwaMachaya nekumupa pamuviri uye kutadza kumuendesa kuchipatara kana kukiriniki apo akasangana nezvigozhero pakubara.

Zvinonzi pane kuti aendese Machaya kuchipatara, Momberume akaenda naye kuchitsidzo kunananyamukuta vechechi yeJohanne Marange.

Akasununguka mwana mukomana asi akabva afa pakubara.

Momberume anonzi akaviga Machaya chinyararire asina kuzivisa vanoona nezvemutemo.

Pamhosva yechipiri yaari kupomerwa, Momberume anonzi akapa pamuviri musikana asati abve zera ndokugara naye semudzimai wake.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>