Uncategorized

‘NYAMA YEMUNHU, KANA CHICKEN INOSARA PASI’

22 Nov, 2019 - 00:11 0 Views
‘NYAMA YEMUNHU, KANA  CHICKEN INOSARA PASI’ Mollet Manzinde

Kwayedza

Kingstone Mapupu

“NYAMA yemunhu, ‘chicken’ kana ‘beef’ inosara pasi. Yakapfava zvekupfava zviya kunyanya kana iri yekamwana.

“Uyewo, mutemo wedu unoti pakuidya hatifanirwe kudya mabhonzo, asi munyepfu bedzi.”

Aya ndiwo mashoko ari kutaurwa nemukadzi wechidiki wekwaMurehwa uyo ari kuzviti inhengo yechikwata chevaroyi.

Mollet Manzinde (22), anogara kwaMambo Mangwende, anoti iye nechikwata chake vanodya nyama yevanhu iyo yaanoti yakapfava kudarika yemombe kana yehuku.

Anotiwo mutemo wekudya nyama iyi unoti havabvumirwe kudya mabhonzo evakafa, asi munyepfu bedzi.

“Nyama yemunhu inonaka zvikuru uyewo yakapfava kudarika ‘chicken’ kana ‘beef’. Yemunhu mukuru yakangafonana neyemombe asi yemwana mudiki yakafanana neyehuku.

“Ini ndinofarira kudya matumbu. Paye pamunorota muchidya nyama yemombe munenge muchidyiswa nevaroyi nyama yevanhu vakuru asi mukarota muchidya huku munenge muchidyiswa nyama yevana vadiki,” Mollet anoudza Kwayedza apo anenge akanyatsopombonoka.

Anoti kunyangwe achifarira kudya mabhonzo enyama yemunhu, haakwanise kuzviita nekuda kwemitemo yavo inovati mapfupa emunhu haadyiwi.

Anotsanangudza matanho avanotora kana vachivhura makuva nevamwe vake umo vanozotora nyama yevanhu vachidya iri mbishi.

Mollet uyo akaroorwa anoti vasati vanoroya nechikwata chake chinosanganisira varume nevakadzi, vanotanga vashinha pabonde seimwe yemhiko dzavo.

Mudzimai uyu anoti akapinzwa mumabasa ekuroya nevamwe amainini vake.

Anoti amainini ava zuva roga-roga vanouya husiku vachisvikomumutsa kuti vaende kunoroya.

Kuti azobuda pachena, Mollet anoti haachada huroyi hwekupihwa uhu asi zviri kuramba.

“Ndakakura ndiri nherera vabereki vangu vose vashaika. Ndipo pandakatanga zvekuroya ndiine makore gumi.

“Ava vakandipinza mukuroya vanouya zuva roga-roga vachindimutsa kuti tinoroya uye kana vave kuuya ndinonzwa kupera simba, vobva vandishevedza totobuda tichienda kwatinonosangana nevamwe,” anodaro.

Mollet anoenderera mberi: “Murume wangu panguva iyi anenge akafa nekukotsira zvekuti haamuke kusvikira tabuda. Tinonosangana nevakuru vedu nevamwe pasi pezimuti remuhacha riri mumunda wasekuru vangu apo patinoti pabhesi.

“Ipapo tose varume nevakadzi tinenge tisina kupfeka tichidarika zana pahuwanda.”

Anotizve ipapo varume nevakomana vanenge vari kudivi ravo, vanhukadzi vari kwavo asi vozosangana kana voshinha.

“Kana paine varume 50 zvinoreva kuti mudzimai woga-woga anoshereketa nevarume 50 ava.

Hapana kuneta kwatinoita zvekare panenge pasina dziviriro.”

Mudzimai uyu anoti kana vapedza izvi, vanochitanga kuronga nezvevanhu vavanoda kudya uyewo vopanana mazuva ekuti vanofanirwa kuzofa riinhi.

“Pamusangano uyu, vakuru vanotipa majana ekuti nhingi ndiye ava kufanirwa kuuraya hama yake, ipapo tinobva taenda kumba kwemunhu anoda kuuraiwa uyu uye hazvina mhosva kuti ari kure kwakaita sei.

“Tinoshandisa marusero nekutasva mapere kuenda kunzvimbo dzatinoda uye zvinotora nguva duku kuti tisvikeko mungava muno kana kunze kwenyika,” anodaro Mollet.

Anoti vanosvikotanga vamwaya mushonga pamusha pemunhu wavanoda kuroya apo hama yake inenge iripo ichishandawo navo sezvo iri iyo inozopinda mumba mainobuda yakatakura munhu wavanoda kuroya.

Munhu uyu anonzi anozorwa mishonga miviri wake wose achinwiswa mumwe asingazive. Anozodzoserwa mumba obva atanga kurwara zvinozosvika pakuti afe panguva yavanenge vatara.

Anotizve kana munhu wavanenge varoya afa uye avigwa, vanozoenda husiku hwaavigwa, vonovhura guva apo vonogovana nyama yake vachidya iri mbishi.

“Tinoenda musi waavigwa apo hama yemufi yatinoshanda nayo inopihwa shamhu kana chimuti icho chinoshandiswa kurova guva robva ravhurika. Hama iyi ndiyo inopinda muguva, yovhura bhokisi umo inotora mutumbi apo vakuru vedu vanotora musoro vopa hama yemufi uyo anodya zvose nemaziso kudzimara kwasara deheny’a chete.

“Isu veruzhinji tinozogoverwa dzimwe nyama tichidya nenzara dzedu dzinenge dzakareba zvikuru zvekuti dzinogona kutocheka nyama iyi sezvinoita banga. Anenge apihwa musoro anozoshandisa deheny’a racho kuchengetera mishonga yake,” anodaro.

Guva rinenge ravhurwa neshamhu iri anoti rinozorohwa zvakare neshamhu imwe cheteyo robva ravharika.

“Matumbu anodyiwa ipapo zvakare uye asina kugezwa kureva kuti anodyiwa netsvina yawo asi vana ndivo vanonyanya kupihwa matumbu. Nguva yekudya mutumbi wemunhu inowanzoita awa rimwe chete topedza zvose, hapana chinodzoserwa muguva. Kana tisina kuguta, tinogona kuzotevedza kune mamwe makuva kunenge kwavigwa mimwe mitumbi tonovhura makuva tichitora nyama.”

Pavanofamba vachienda kune mamwe makuva akasiyana, anoti vanosangana nevamwewo varoyi pamwe vachitoguma vodya vose nyama pasina kurwisana.

“Nevamwe varoyi tinowirirana, tinotofamba tose. Vaye vanofa voga makuva avo anovhurwa nevakuru vedu asi vatinouraya anovhurwa nehama dzavo. Pane dzimwe nguva dzatinoshaya vanhu vanofa, tinoguma tave kuenda kure kunotsvaga nyama,” anodaro Mollet.

“Murume wangu ndakamuroya zvekuti atova bofu uyewo anorwara rwara.”

Votaura nezvenyaya ino, Mbuya Alice Masoko Kwenda, vekuLochnvar muguta reHarare, vanoti huroyi hwemunhu akambodya munhu hunonetsa kubvisa uye anoda kutorutsiswa nekuparwa nyora dzaakaiswa.

Mashoko avo anotsinhirwa naMadzibaba Gamba kana kuti VaMartin Madzura vekuBudiriro, muHarare vachiti shavi rehuroyi haribvi nyore.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>