Kwayedza
SVONDO rino tichanangana nemabikirwo enyama yetsuro. Mai Paxcedes Muteyiwa (47), avo vanova head chef paimwe nzvimbo yekutandarira muHarare ndivo vachadonongodza twose.
ZVINODIWA:
Uraya tsuro woibvisa mvere dzose zvine hunyanzvi kuti isare yakachena.
Itumbure wosasika nyama kuti iome kwenguva diki zvinoita kuti isaite kamunhuhwi pakudya.
MABIKIRO:
Cheka nyama kuita zvidumbu woikanga kusvikira yatsvukira.
Chikanda hanyanisi uye kana dzatsvukira woisa matomatisi nemunyu wakaringana kuti isare iine muto wakatsvukira.
INODYIWA NEI?
Nyama yetsuro inogona kudyiwa nesadza remhando yakasiyana rakaita serezviyo kana mupunga une dovi. Unototi unakirwe bedzi!