Nyuchi dzauraya munhu

14 Apr, 2023 - 10:04 0 Views
Nyuchi dzauraya munhu Nyuchi

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME wemubhuku raMapanga, kwaMambo Mukanganwi, kuBikita, akafa mushure mekurumwa nenyuchi pamusha pake apo vaidhonza tirakita yake vachishandisa rori kubva panzvimbo yayanga yakamira kwenguva refu.

Tsaona iyi yakaitika masikati emusi wa10 Kubvumbi apo Collins Kumbirayi Chiumburu (67) aityaira tirakita yake yaidhonzwa nerori raityairwawo nemukoma wake anonzi Zororo Moyo (74).

Zvinonzi tirakita iyi yanga yapedza makore maviri yakangomiswa panzvimbo imwe chete apo vakazoronga zvekuibvisa nemusi uyu.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMasvingo, Inspector Kudakwashe Dhewa, vanoti panguva yaidhonzwa tirakita iyi, kwakangoerekana kwasvika bumha renyuchi pavarume ava zvikatuma Chiumburu kuburuka patirakita iyi achibva atanga kutiza achienda nedivi raiuya nenyuchi idzi.

“Collins Kumbirayi Chiumburu paaiedza kumhanya achida kutiza nyuchi idzi, dzakabva dzamumomotera nekumuruma kumeso, mumusoro nemuviri wose achibva azvimba. Nyuchi idzi dzakazongonyangarika, akazomhanyiswa kuchipatara cheBikita Rural Hospital uko akasvika achifa asati abatsirwa,” vanodaro Insp Dhewa.

Inspector Kudakwashe Dhewa

Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa ekuBikita mutumbi wake ukaonekwa uine tumborera twekurumwa nenyuchi twakawanda.

Insp Dhewa vanoti hapana chakaipa chinofungidzirwa munyaya iyi.

“Tinokurudzira vanhu vane mikoko yenyuchi pamisha yavo kana pedyo navo kuti vasashandise nzira dzinoshatirisa nyuchi sekudzidenha sezvo dzinoguma dzaruma nekukuvadza vanhu kana kuuraya sezvakaitika izvi. Hazvina mhosva kuti dziri musango, musadenhe nyuchi,” vanodaro Insp Dhewa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey