O-LEVEL — MAKUNUN’UNU MAODZAMWOYO

06 Mar, 2015 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Monika anoti kuna Timoti ‘ndakuda’

Ticha Tichaziva
CHITSAUKO 7 (Nyaya yacho: Enderero mberi)

Gare gare Tendai anozokumbira ruregerero kuna Monika maererana nekurova kwaakaita amai. Anobvuma kuti akakanganisa zvikuru, shungu ndidzo dzainge dzamukurira akambofunga zvekuda kuzvikanda mudhamu, asi ndokuzodzora moyo afunga nezvevana vake. Ainge atofunga kuti zvimwe Monika akatomukanganwa afunga zvekutoda kunyora tsamba kuti Monica ambouya kwaari.

Tendai anozofunga zvekubikira Monika kuti adye. Apo anenge achibika, Monika anorondedzera zvose zvakasara zvichiitika pamwe nekuonana kwake naTimoti ndokubva abvunza mukoma wake kuti zvino oita seiko. Mukoma anodzorera mubvunzo achiti iye ainge afunga chii kana kuti oramba zvake ana Timoti vachidanana sezvavari kutaura, ngavaroorane zvaamai hazvina nebasa rose.

Monika anokumbira mapepa kuti anyorere Timoti tsamba, Tendai ndokumuudza kuti ngaamuudze zvose zvakaitika pamusoro pezvo onyorazve kuti iye Tendai anoda kumuona. Monika akazopedzisa tsamba nemutsara unoti, “Ndakuda nemwoyo wangu wose, kana ukandinyengedza hako, uchida hako kutamba neni chete hazvina hazvo mhosva asi chitadzo chinenge chiri chako.” Apedza izvi, Tendai anogutsikana nekuiverenga, ndokudya sadza, kunamata nekuzorora vaneta asi vachifara.

ONGORORO:
Muchitsauko ichi tinodzidza kubva mune zvatinoverenga maererano netsika nemaitiro aTendai. Tinodzidza kuti akatsungirira (decisive) nekumira nezvaanenge afunga (firm and resolute). Izvi tinozviwana kubva mune zvaanotaura izvo zvinoti, “saka ndizvozvo kunyange mai vasingadi Timoti, iwe uchimuda, uye uchiona kuti mukomana kwaye, hazvina nebasa rose. Munonoroorana chete kana muchidanana vachazozvionawo voga naivowo vachatenda.” (41)

Enzaniso tinodziona dzichishandiswa zvakati kuti. Yekutanga tinosangana nayo tichitsanangurirwa matarisiro aTendai apo Monika anoti bamhama kumuona, zvinonzi Monika ati garei, akazoona kwouya kamwe kakadzi karefu katete kairatidza kuita sakairwara” (38).

Pavanenge vava kukurukura mumba, Tendai anobvunza nezvamai vavo pomboitwa karunyararo Monika ndokuzopindura achiti zino ravo rainge richivanetsa kwazvo. Apo Tendai anonzwa izvi anoramba akanyarara akatarisa kure kure seaiona zvinhu zvakawanda kwazvo (38).

Pavakazokurukura nechiitiko apo Tendai akarova amai, anobva afunga kuti pamwe Monika ainge ava kumuona sepasina nemunhu wose saka achimuti ainge ava kufunga kuti ava kumuona “semhuka yemusango” (39). Monika kunyange zvazvo ari pamatambudziko, pane imwe nguva yaanombowana rufaro. Pane vakomana vakambokanda shoko rerudo asi hapana newaakaona semunhu asi kubvira apo akaona mukomana ainzi Timoti upenyu hwake hwakabva hwasanduka. Ipapo ndipo akafara “sezvinonzi pane chandakanga ndapihwa” (41).

CHITSAUKO 8 (Nyaya yacho):
Mangwana acho Tendai anofumoenda kubasa asina kuonekana naMonica. Monika amuka, anobika putugadzike ndokunwa, munhu ndiye pindirikiti munzira kudzokera kumusha uko anosvika zuva rorereka. Achingopinda mumba, anoona muina amai vake, tete vaya vaakanga ati ari kunoshanyira VaMusembura, baba vake naMujubeki. Vahanzvadzi VaMusembura vainge vauya kuzoona hanzvadzi yavo yairwara.

Paanongopinda mumba chete amai vake vazere nehasha vanomubvunza kuti ainge ari kupi.
(Enderero mberi svondo rinouya.)

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey