O-LEVEL —NDIKO KUSASANA: Lily anouya pamba panogara Mugadzi

25 Sep, 2015 - 04:09 0 Views

Kwayedza

Ticha Tichaziva
CHITSAUKO 4 (Nyaya yacho: Enderero mberi)
Musi uyu pfundi yati dzingwei nehwahwa rume ndokutora rimwe bhodhoro mufiriji ronwa zvaro. Anoshevedzera mukadzi wake ndokumbomira achida kuona kuti ari kuterera here ndokuzomuudza kuti ainge afunga zvekumutuma kuKwekwe zuva raitevera. Mudzimai anofinyamisa kumeso ndokumubvunza kuti kunoitei kuKwekwe.

Anoyeuchidza mudzimai nezvekagirosa kaaida kutanga kuMufakose, zvino nemuridzi wacho vanga vachinetsana nemubhadharo svondo raitevera aida kuti vabve vapedzerana. Ainge afunga zvekuona magweta ake zuva raitevera kuti kana vava kunoratidzwa svondo raitevera hazvaizonetsa.

Aida kuti mukoma wake vazove ipapowo svondo raitevera saka vaida kunotaurirwa.
Mukadzi paanoti adii kutuma Masimba sezvo vana vaizoshaya anoswerapo, anoti ainge achida kuti Masimba amukire kunotora zvikwereti zvake. Mugadzi aigona kusara nevana dzamara Masimba adzoka.

Maererano nembatya dzevana vekuchikoro, Masimba aigona kudzichisa. Mukadzi paanobvunza kuti akaregererei kutaura kare akagara akaziva, Mugadzi anoti inga wani ati vapedzerana musi iwoyu. Sekai anomboti nyararei, Mugadzi ndokubva ati achanomusiya kumusika mangwana acho mangwanani kuti abate bhazi rokutanga, kana ada kumbovaona anogona kudzoka zvake neSvondo.

Sekai haagutsikani nerungano rwemurume wake ndokubva apindwa nepfungwa yekuti murume wake ane zvaaida kuita iye asipo nekudaro anobva afunga zano rake. Anopinda mumba mapinda murume ndokuwana shasha iri kurova ngonono, munhu ndiye tande akananga kwaChipunza.

Sekai anoudza mudzimai vaChipunza kuti pane zviri kuda kuitwa naMugadzi iye asingazivi, nekudaro mukadzi waChipunza anofanirwa kuongorora zvose zvichaitika pamba apo.

Sekai anoti anofunga kuti Mugadzi anoda kudzokera kuMarondera kana kuti pane ari kuda kuunzwa pamba pake. Remangwana racho Sekai anonosiyiwa pamusika, Mugadzi kana zvake kumiririra kuti bhazi risimuke pfungwa dzava kuda kunogadzirira Lily.

Asvika anoita kuti vana vakurumidze kugeza, ndokupa Masimba madhora gumi nemashanu ekunoshandisa nekutengera vana zvavaida, masikati ndokuvaperekedza kunovasiya kudhorobha.

Lily anozosvika masikati. Mugadzi achingoti gare gare pamusika, bhazi rekwaMutare rine chibayamoyo chake rinobva rasvika. Apo anoona Lily, vanombundirana nekutsvodana pamwepo ndokukwevana vachienda kumutengesi we“ice cream”. Pavanosvika pamba vanonanaidzana vachipinda mumba, rume ndokuenda kunogadzirira mudiwa waro twekudya tunonhuwirira.

Lily anoona marekodhi aiva muchikabati ndokusimuka kunoatora. Kuti atekenye dzimudzangara racho, anotadza nekuti raive netumabhatani twakawanda izvo zvainge zvakasiyana neyekumba kwavo. Mugadzi anozviona ndokumubvunza rekodhi yaaida iye ndokuti, “Darling Forever” kwava kumuridzira.

Chikafu chagadzirwa chiya chinombonyanya kudyiwa here, iyo rekodhi ichingotenderera vanhu vachitsvodana vachitaurirana nyaya dzisingaperi. Kutamba kwavanoita uku kunozodzimara kwaita kuti murume apindwe nezimweya ava kufunga kuita zvimwe.

Ndipo apo anoedza kubvisa Lily mbatya dzemukati mwana wemunhu ndokusvetuka achiti Mugadzi ngaazive kuti havasati varoorana.

(Enderero mberi svondo rinouya.)

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey