O-LEVEL — NDINOFA NDAEDZA: Chokupamba akanga ari mbimbindoga

31 Oct, 2014 - 09:10 0 Views

Kwayedza

CHITSAUKO 10 (Ongororo: Enderero mberi)
Mauto ane zvaakaratidza kuvanhu (war tactics demonstrations). Vonosvetuka vachimhanya vakasimudza mapfumo sevanobaya mutsindo ukanzwika kuti dhi dhi dhi pakumhanya kwavaita. Vaitarisana mapfumo achirovana vopesana zvekuti vanhu vasingatani kutya vakabva varinga pasi votya kuti vanhu vangaurayana. Chiitiko chakakatyamadzisa nekutyisa vazhinji ndechekuti mauto aya akamhanya zvekusiya mibvuri yavo vakananga paminzwa iyo vakasvikotsokodzera vachitsika netsoka dzavo pakasarara popwititika huruva minzwa yaparara. Kudziridzo (exaggeration) tinoiona ichishandiswa mukuedza kuratidza kufarira kwaiita Ishe Machingauta zvaiitwa nemauto aya.

Zvinonzi, “Vakanyemwerera miromo kusvika kunzeve chaiko” (96).

Maererano netsika nemaitiro evanhu, pane zvatinodzidza. Tinodzidza nezviri maererano naRevai apo sekuru vake vanoti kwaari, “Muzukuru ndange ndisingambozvifungira kuti ungafunge zano rakadai” (97). Izvi zvinoratidza uchenjeri hwaRevai. Maererano naChigange tinonzwa munyori achititaurira kuti “Muchinda uyu aiziva matunhu ese kusvika kwaShe Chokupamba” (97) tozonzwazve kuti iye naPondai sekutaura kwaRevai “vanoziva nzira dzekudimbudzira zvekuti muchangoerekana mati kwata kusvika ikoko” (100).

Choruma, uyo ainyunyuta nekusasarudzwa kuve mukuru wemauto “aiziva mishonga yekurapa neyemapipi” (101).

Pamusoro pezvo murume uyu “zvekukanda mapfumo chaiko akange asingagone” (103). Kuzoti kana ari iye Mambo Chokupamba tinodzidza kuti maererano nemukuru uyu aive neumbimbindoga hwake” (106).

Mauto pane mhiko dzavanotora yekutanga ndeyekuti haaizogara kudzimba dzavo asi kuti munhungu dzainzi “Mikoko” yakange yakavakwa ichitenderedza musha wose. Mhiko yepiri yaive yekuti muuto haaizoroora kana Revai asingazive (104). Tinosangana netsumo dzakati kuti idzo dzinopa udzamu kune zvinenge zvichitaurwa. Zvinhu zvakaitwa nevarwi vaRevai zvekutsokodzera minzwa vachitsika netsoka dzavo kwava kusiya popwititika huruva minzwa yaparara zvinoita kuti munyori ashandise tsumo achiti, “Chokwadi vakafa havana chavakaona” (96).

Muupenyu munhu zvinoda kuti apote achibatsirana nevamwe munyaya nemumabasa nekuti dzimwe dzenguva munhu mumwe chete haangagoni kuita basa rinokodzera kuitwa nevanhu vazhinji. Saka munyori achizoshandisa tsumo inoti, “Zano marairanwa” (96) kuri kuedza kuratidza kuti Revai akatsvagawo mazano maererano nenyaya yekuzvidzivirira kuvavengi sekuti Mambo Chokupamba ainge ambopindwa nenjodzi yekusvikirwa nemhandu izvi zvakaita kuti angware pakasvika varwi vaRevai. Izvi zvinotsigirwa netsumo inoti “Chakatanga ndochakachenjedza” (104)
Zvakaitwa naMambo Chokupamba sezita rake hazvina kubva zvaitwa kuti arangwe musi wakarewo asi nekupindana kwenguva anotanga kuwana chirango chake. Iye nhasi azovingwa nevarwi voshaya zvekuita. Ndosaka zvichinzi, “Chisi hachieri musi wacharimwa” (105). Ndicho chavakadya chakange chavamukira. Ishe Chokupamba achinzwa zvipfuwo kubowa anoona kuti izvi zvaitoitika, hazvichabatsiri kupopota kana kuchema nokuti hazvichaiti kuti zvipfuwo izvi zvive zvipenyu zvakare.

(Enderero mberi svondo rinouya.)

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey