Uncategorized

Ogara achibuda honye nehurwa…murume wangu akakonzeresa

21 Oct, 2020 - 14:10 0 Views
Ogara achibuda honye nehurwa…murume wangu akakonzeresa Tsitsi Chizengeya

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUDZIMAI wechidiki anogara mumusha weZengeza 4, kuChitungwiza, anoti atambura nechirwere chenjovhera icho anoti akatapurirwa nemurume wake uyo akabva azopata musha achimusiya oga.

Tsitsi Chizengeya, uyo kumusha anobva kuEmpress, anoti asvitsa gore achiyaura nechirwere chenjovhera icho chasiya adambuka-dambuka nyama dzesikarudzi yake uye anodhubhuka hurwa nehonye.

“Ndakuvara nesiki iyo ndakapihwa nemurume wangu Hanan Motsi (32) uyo akanditiza nemwana ndokuenda kunogara nevamwe ambuya vake kwaChirimamhunga, kwaSeke. Ndine mwana mumwe chete naye ane gore nemwedzi 8 yekuberekwa.

“Ini ndiri pamapiritsi, izvozvi ndave kutogara nevamwe mbuya vakangonditorawo mumugwagwa ndokundipa imba yekurara,” anodaro Chizengeya.

Mudzimai uyu anoti akaroorwa mugore ra2016 apo murume wake akazotanga kurwara nenjovhera yakaramba kurapika kusvikira azotiza pamusha achimusiya nemwana.

“Murume wangu ndiye akatanga kurwara nenjovhera ini ndikamuti tiende kunorapwa kuchipatara asi iye akaramba. Akazonditiza mwedzi wakapera (Gunyana) apo taigara muno muZengeza 4 pamba patairoja.

“Ini handina kumwe kwekuenda sezvo vabereki vangu vakashaya. Ndaifamba ndichitsvaga mabasa emaoko ekuwacha nekukorobha mudzimba apo ndakazonhongwa nambuya vave kundichengeta.”

Chizengeya anoti amai vemurume wake vakaenda kuSouth Africa uko vari kushandira uyewo tezvara vake vakashaika.

“Upenyu hwangu hwakabatwa nagogo vandiri kugara navo,” anodaro Chizengeya.

Anoti ava kugara achinhuhwa nekuteverwa nenhunzi nekuda kwehurwa nehonye zvinobuda paari.

“Pane mishonga inodiwa kuti ndigezese maronda aya asi handina mari yekuitenga. Ndinongoageza nemvura isina sipo kana mishonga.” 

Kwayedza haina kukwanisa kutaura nemurume waChizengeya sezvo nhare dzake dzaisabatika apo akafonerwa kakawanda.

Vanoda kubatsira Chizengeya vanomubata panhare dzinoti 0777 169 791.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>