Uncategorized

Ogara nevana mugadheni

03 Sep, 2020 - 11:09 0 Views
Ogara nevana mugadheni Tarisai Maganzo nevana vake

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUDZIMAI wekwaMutare ari kurarama upenyu hunosiririsa sezvo ava kugara nevana vake vana vari pasi pemakore gumi ekuberekwa mubindu mushure mekunge adzingwa pamusha wake nehama dzemurume dzichimupomera kuita chipfambi.

Tarisai Maganzo, wemubhuku raGwaku, kwaMambo Chayambuka, anoti murume wake ari kunyika yeSouth Africa uko anoshanda uye haasi kudzoka kuZimbabwe zvichitevera kuvharwa kwakaitwa miganhu yenyika senzira yekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Asi zvisinei nekuti miganhu yakambovharwa, Hurumende inotendera zvizvarwa zvemuno kudzoka munyika nenzira kwadzo kana vachida.

Maganzo ari kugara nevana vake vana — wemakore matatu, mumwe ane makore mana, ane matanhatu neane gumi remakore okuzvarwa mubindu.

Maganzo anoti hama dzemurume wake dzakamudzinga pamusha pake dzichimupomera kuita chipfambi, ndokumbotanga acharara nemhuri yake mudzimba dzevamwe vanhu vane tsiyo nyoro.

Imba yaTarisai Maganzo yaari kuvaka mubindu

“Ndakazodimburirwa nzvimbo diki yekugara nasabhuku wedu mushure mekunzwa nezvedambudziko rangu rekushaya pekugara.

“Murume wangu ndakatonzwa kuti ava kugara nemumwe mudzimai kuSouth Africa ikoko zvekuti akatotifuratira zvachose sezvo asisafone kana kutumira mari.

“Ndaimborarama nemaricho asi nekuda kwe‘lockdown’ iyi, vanhu vakawanda vaomerwawo zvekuti hakusisina vanopa munhu mabasa sezvo vava kuzviitira voga,” anodaro.

Maganzo uyo paakaita hurukuro ino neKwayedza ainge akachenuruka kuti mbuu uye achingova madhaka sezvo ari pakati pekuzvivakira imba yemapango nemadhaka iyo yaava kuzoti musha.

Anoti ari kuzvivakira imba iyi mubindu iri zvisinei nekuti pedyo nerwizi uye panotonhora samare.

Nzvimbo iyi haina chimbuzi nokudaro Maganzo anoti iye nevana vake vanozvibatsira muzvigwenzi zviri kumahombekombe kwerwizi urwu izvo zvine njodzi kuutano hwavo nevamwe vemunharaunda vanoshandisa mvura yemo.

Vangada kubatsira Maganzo vanomubata panhamba dzake dzinoti 0785 318 325

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey