Oita upenyu hwemuchipatara nekuda kwegomarara

11 Jun, 2023 - 10:06 0 Views
Oita upenyu hwemuchipatara nekuda kwegomarara

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUDZIMAI ane makore 44 okuberekwa wekuMagunje, kuKaroi – uyo ari muchipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals nekuda kwechirwere chegomarara remuchibereko – ari kutsvaga rubatsiro rwemari yekutenga mishonga nezvimwe zvinodiwa mukurapwa kwake.

Mai Constance Manana Mhuma vanoti vave nemakore matatu vachitambudzwa negomarara.

“Dambudziko rangu rakatanga makore matatu akadarika ndichingorwara zvandaisanzwisisa kusvikira ndazouya kuno kuchipatara cheParirenyatwa mumwedzi waGunyana gore rakapera ndikaonekwa ndiine gomarara. Ndakatanga kuongororwa ndichirapwa ndichimboenda kumba ndichidzoka, hwatova upenyu hwangu hwekugara pano pachipatara,” vanodaro Mai Mhuma.

“Ini nemurume wangu, kusanganisira nehama, tapedza kutengesa midziyo nezvimwe zvinhu kuti tikwanise kuwana mari yekutenga mishonga inodiwa kuchipatara nezvimwe. Izvozvi ndakauya muno muchipatara, ndinogara kumba kwemukoma wangu kwaDhonoro, kuEpworth.

“Mari yemishonga inodiwa kare taimbotenga US$400 asi izvozvi yakakwidzwa kusvika US$600. Kuti ndinorapwa kunze kuri kudiwa US$10 000 inova mari yatisingawane zvachose,” vanodaro Mai Mhuma.

Kune vanoda kubatsira mudzimai uyu vanoridza nhare dzinoti 0771 273 289 / 0779 266 138 / 0772 839 476.

Mai Enitta Manana (50) vanova mukoma waMai Mhuma vanoti dambudziko rehurwere hwemunin’ina wavo ravasvitsa pahurombo hwekupedzisira.

“Kubva hurwere hwemunin’ina wangu huchitanga, zvaiva nani nekuti taiunganidza mari semhuri nababamudiki murume wake tichikwanisa kutenga mishonga nezvimwe zvinodiwa kusvikira tava kutengesa midziyo. Izvozvi ari kuda kuitwa CIT Scan, mari yacho hatina. Vabereki vedu vose vakashaika.

“Munin’ina wangu ane vana 4 vanoda kuenda kuchikoro nekudya uye vari kudzingwa nenyaya yekutadza kubhadhara mari,” vanodaro Mai Manana.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>