‘Omicron inouraya, musaidherere’

05 Jan, 2022 - 10:01 0 Views
‘Omicron inouraya, musaidherere’ Dr Mahomva

Kwayedza

Thandeka Moyo-Ndlovu

CHIKAMU chechina chechirwere cheCovid-19 (fourth wave), icho chakanyuka nekuda kwekuvepo kwemhando yehutachiona hweOmicron variant, chinotaridza kuti chakanyanya kuipa kana zvichienzaniswa neBeta variant iyo yakakonzera kuvepo kwechikamu chechipiri chedenda iri panguva yezororo remunaZvita 2020.

Ongororo yakaitwa nenyanzvi dzezveutano mukati memazuva 14 – kubva nemusi wa20 Zvita 2021 kusvika 2 Ndira gore rino – inotaridza kuti vanhu 245 vakafa nedenda iri kana zvichienzaniswa ne73 vakafa panguva imwe chete pakanyuka chikamu chechipiri chechirwere ichi (second wave).

Huwandu hwepakati nepakati hwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi pazuva hunosvika 1 580 izvo zviri kuona vanhu 22 121 vachiwanikwa vaine denda iri mukati memasvondo maviri kana zvichienzaniswa ne167 vaiwanikwa vaine Covid-19 pazuva uye ne2 346 pamasvondo maviri panguva yezororo remunaZvita 2020.

Zvisinei nemafungiro ekuti Omicron haizi kukonzera ndufu dzakawanda, huwandu hwevanhu vari kufa nechirwere ichi muZimbabwe huri kukwira.

Kusvika pari zvino, vanhu 5 047 vafa nedenda iri kubvira parakatanga munyika muno munaKurume 2020.

Vanhu vakawanda vakafa pazuva i102 avo vakafa nemusi wa16 Chikumi gore rino.

Nyanzvi dzezveutano dzinoti chikamu chinosvika 90 percent chevanhu vari kufa neCovid-19 ndechevasina kubaiwa nhomba dzekudzivirira denda iri.

Dr Agnes Mahomva, avo vanova Chief Co-ordinator weCovid-19 mumahofisi emutungamiri wenyika nedare reCabinet, vanoti zvakakosha kuti veruzhinji varambe vachitevedzera zvizere matanho aripo ekurwisa kupararira kwechirwere ichi nekuti pane njodzi huru yekuti huwandu hwevari kubatwa nedenda iri hunogona kuramba huchikwira.

Dr Mahomva vanoti kubaiwa nhomba ndiyo nzira bedzi yakanaka yekudzivirira Covid-19.

“Maonero ekuti chikamu chechina chedenda iri – apo Omicron variant iri kunyanya kubata vanhu – hachina kunyanya kuipa, hachizi chokwadi kana tichitarisa zviri kuitika nekuti chokwadi ndechekuti tiri kuona vanhu vachifa uye tinofanirwa kupa mashoko eyambiro aya,” vanodaro Dr Mahomva.

Vanoenderera mberi vachiti, “Hatifanirwe kudekara kana kushaya hanya uye tinoda kuramba tichikusha mashoko ekuti nharaunda dzinofanirwa kugara dzakangwarira. Chirwere ichi chichiripo, pagara paine njodzi yekuti huwandu hwevanhu vari kufa hunogona kukwira pamwe nevari kubatwa nechirwere ichi nekudaro hatifanirwe kuneta mukuramba tichiita zvatinoziva kuti zvakanaka, kunyanya kubaiwa nhomba.”

Zimbabwe yaive nechinangwa chekubaya nhomba chikamu che60 percent kana kuti vanhu vanosvika 10 miriyoni pavanhu vose vari munyika kuitira kuti inge yakachengetedzwa kubva kudenda iri kusvika pakupera kwa2021.

Vachitaura nezvenyaya iyi, Dr Mahomva vanoti zvakakosha kuti veruzhinji vanzwisise kuti kunyangwe zvazvo gore ra2021 rakazopera Zimbabwe yakwanisa kubaya nhomba chikamu chinosvika 33 chevanhu vose vari munyika, chinangwa chekubaya chikamu che60 percent chichiripo.

Vanoti izvi zvinobatsira pakuti vanhu vabaiwe nhomba.

“Chinangwa chikuru chekuve nezvinangwa zvakadai kuti tizvikurudzire sedungamunhu uye senyika kuti vakawanda vabaiwe nhomba. Kudai zvaikwanisika, tinoda kuti vose vanokodzera kubaiwa majekiseni vabaiwe apo tinozokwanisa kutaura kuti tachengetedzeka,” vanodaro Dr Mahomva.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey