Onobhurwa nemusikana waakaramba

23 Feb, 2016 - 15:02 0 Views
Onobhurwa nemusikana waakaramba

Kwayedza

Yvonne Chidochashe Manyanja
MUKOMANA wekuti ari kuoneswa ndondo nekugara achirohwa nekutukwa zvinyandzi pajekerere neaimbove musikana wake akazopotera kudare.

Kenny Chigiji akaudza mutongi wedare reHarare Civil Court, Marehwanazvo Gofa, kuti haana rugare nekuda kwaMargaret Mukarati.

“Uyu akanga ari shamwari yangu asi iye zvino anondituka, kundirova pamwe nekutuka vasikana vangu. Ndiri kuda kuti dare rimuite kuti aregere zvaari kuita.

“Kana kubasa kwangu anosvika achida kundinyadzisa pamberi pemunhu wose. Anouya ondimirira kubasa kusvika ndapedza ini ndinenge ndave kutonyara,” akadaro Chigiji.

Mukarati akati akarambana naChigiji asi anoramba kumudzosera mari yaakamukweretesa vachiri kudanana.

“Handisati ndakamboona manyepo akadai. Uyu akange ari mukomana wangu, ko dai anga asiri ndaizoswera ndichitukana naye pachii? Ndiye akasarudza kundisiya achinodanana nevasikana vake. Pamusoro pazvo, haana kutaurira dare chokwadi kuti ndakange ndamukweretesa mari yangu patakange tichiri kudanana.

“Semunhu akandiramba, handichina chandinoswera ndichinyengerera kwaari asi kuti pandinenge ndichienda kubasa kwake ndinenge ndichitotevera mari yangu ishe wangu. Akandiramba izvo hazvingambondirwadza. Ndobatirirei ndichinyatsoona kuti ndiri kuzvipinza muna taisireva?” akadaro.

Chigiyi akamugamha achiti: “Handiti ndiwe unotondishungurudza, pamwe unoda kuti ndidanane newe. Chandiri kungoda vedare ndechekuti asauya padyo neni.”

Mutongi Gofa akapa gwaro redziviriro kuna Chigiji ndokuti vaviri ava vagarisane murunyararo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey