Uncategorized

Opatiswa musha nemasvosve

06 Apr, 2018 - 00:04 0 Views
Opatiswa musha nemasvosve Abigail Hozheri

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MUKADZI wechidiki anogara mumusha weshoroma weMshumavale, kuKadoma, anoti akatiza pamusha pake mushure mekurumwa nemasvosve emhamhatsi ayo aiva azara zvekuita “makomo” mudzimba dzavo nhanhatu nepachivanze.

Abigail Hozheri (28) – uyo kumusha anobva kuSanyati – anoti akasangana nemashura aya svondo rapera paseri apo akaita mazuva matatu achinetswa nemasvosve ayo aanoti aingoruma iye bedzi zvisinei nekuti pamba pavo anogara nemurume wake nevamwe vanhu.

“Ndakatiza kumba nekuda kwemasvosve andakasiya akazara mudzimba nepachivanze ndaona kuti masvosve emhando yemhamhatsi aya aida kundiuraya bedzi,” anodaro.

Anoti akangoti ari pamba, ndokuona masvosve achiuya akaita mudungwe kubva nekugedhi – “akaita senyoka”.

Masvosve

Hozheri anoti paakatizira mumba, akawana matozara masvosve, mamwe ari pamubhedha, kumawodhiropu nepamatebhuru.

“Zvakatanga apo ndakabvunza murume wangu, Byron Tapera (48) nezveshamwarikadzi yandinonzwa kuti ari kudanana nayo inobva kuMhondoro,” anodaro.

Hozheri anoti akabata mashoko ekudanana kwevaviri ava achibva kushamwarikadzi iyi munharembozha yemurume wake.

“Ndakatomboridzira mukadzi uyu nhare ndichimubvunza nezvemurume wangu asi achiramba kuti vanodanana, iyewo murume wangu anoramba nyaya iyi.

“Mushure memazuva mashoma, ndakazongoerekana ndave kuona masvosve azara musha wose zvekushaya pekutsika. Aingoruma inini bedzi.”

Anoti imba yavo yepanhamba 4276 Mshumavale ine dzimba nhanhatu idzo dzakazara dzose nemasvosve – “kubva pasi kusvika mumahwindo mufunge”.

“Ndakamboedza kudira masvosve aya mvura ndokuona kuti zvaisabatsira, aingoramba achindiruma bedzi.

“Ndakaitoronga kuenda kunotora vana kuSanyati uko vanopinda chikoro vachigara kumba kwavamwene vangu, asi zvose izvi zvakaramba ndokubva ndazotiza,” anodaro.

Hozheri anoti chinomushamisa ndechekuti murume wake aiva pamba apa asi masvosve aya aisamuruma, achingonangana naiye chete.

“Izvi zvakaitika kubva musi wa21 Kurume masikati machena tichangopedza kunwa svutugadzike.

“Ini ndinoti hakuna mumwe akaita izvi, ishamwarikadzi yemurume wangu chete nekuti kwandakafamba ndakazviudzwa,” anodaro.

“Ndine vana vaviri nemurume wangu, mumwe ndakauya naye uye murume wangu ndi ‘change money’. Ndinoda kuti masvosve aya abviswe pamba pangu,” anodaro Hozheri uyo anoti pari zvino akatizira kuhama dzake mumusha weKambuzuma, muHarare.

Mudzimai uyu anoti ndewechina pamurume wake uye anoti akazvipira kudzokera kumba kwake kana dambudziko iri rapera.

Paakaitwa naye hurukuro yenyaya ino, Hozheri ainge achitsvaga rubatsiro kuimwe n’anga yemuHarare ine mukurumbira.

“Handinyare kuzvitaura nekuti ndatambura nenyaya yemasvosve iyi.

“Murume wangu ndinomuda nemusha wangu zvose ndokusaka ndauya kuzotsvaga rubatsiro.

“Asi murume wangu haasi kuziva kuti ndauya kuno, saka mukandiburitsa mubepanhau ndinorambwa.

“Zvakare baba vangu mupositori, havadi zvekuti ndiuye kun’anga,” anodaro.

Mudzimai uyu akaratidza Kwayedza mavanga ekurumwa nemasvosve ayo aanoti ari kutozora mishonga.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>