Otonyoreswa US$20 kuti asiye chimoko

01 Oct, 2022 - 14:10 0 Views
Otonyoreswa US$20 kuti asiye chimoko

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MURUME anogara kuMayambara kwaSeke akamiswa pamberi pemutongi wedare reChitungwiza Magistrate’s Courts, Rumbidzai Kabasa, nemhosva yekupamba munhu uye kumutonyoresa mari yechiokomuhomwe kuti amudzorere makiyi emotokari ayo aainge amutorera sechibatiso chekuti amupe $20 pabotso rekurwira shamwarikadzi mubhawa.

Denzel Azati (21) ari kupomerwa mhosva yehuwori uye akanzi adzoke kudare nemusi wa3 Gumiguru apo kutongwa kwenyaya iyi kuri ekunderera mberi.

Muchuchisi Malven Mwendera akaudza dare kuti nemusi wa28 Nyamavhuvhu gore rino munguva dzemanheru, munhan’ari Tatenda Donald Chidyamatamba (33) wekuZengeza 3 kuChitungwiza anonzi akanga ari paPagungwa Night Club aine mumwe mukadzi. Azati anonzi akabva asvika achibva atanga kurwisana nemudzimai uyu achimupomera mhosva yekusavimbika murudo.

Anonzi akaita hukasha hwakanyanya achipomera zvekare mumhan’ari kuti ari murudo neshamwarikadzi yake.
Azati anonzi akaenda akanobvisa makiyi emotokari yaChidyamatamba aive akabairirwa pamotokari.
Anonzi akabva audza mumhan’ari uyu kuti aizomupa makiyi emotokari bedzi kana achinge amupa US$20 yechiokomuhomwe.

“Musungwa uyu akasvika pabhawa pataive ndava kutoda kubva nemumwe wevasikana vaivepo achibva atanga kunetsana nemusikana uyu vachirwa. Ndakabva ndamuudza kuti ndainge ndava kuda kuenda achibva abvisa makiyi emotokari.

“Ndakambotanga ndamupa US$1 asi akarambisisa kudzora makiyi emotokari yangu achiti anoda US$20 zvakaita kuti ndimupe kuti ndikwanise kubva panzvimbo iyi,” anodaro Chidyamatamba.
Anoti paakapihwa makiyi ake, akamutsa motokari achibva ananga kumapurisa kunomhan’ara nyaya iyi zvakaita kuti Azati asungwe

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey