Uncategorized

Ozvimbirwa nemari yechiokomuhomwe

11 Jan, 2019 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Fortunate Gora ari kuCHINHOYI
MURUME wemuHarare —wekunyepera kuti anoshanda kuZimbabwe Anti-Corruption Commssion (ZAC) uye ndokuzotsotsa munhu mari yake achibatsirana nevamwe vake vaviri — ava kuzvidemba zvichitevera kutongerwa kwaakaitwa nedare reChinhoyi Magistrate Court kuti agare mujeri kwemwedzi mitatu.Shephered Chidawaya (48) — uyo anogara panhamba 5055 Kuwadzana, muHarare — akamiswa pamberi pemutongi Christine Nyandoro ndokubatwa nemhosva yekutsotsa Kelvin Mufudza, anova mukuru weBethel Pharmacy, kuChinhoyi $100 achinyepa kuti anoshanda kuZAC.

Mutongi Nyandoro akamutemera kugara mujeri kwemwedzi mitatu asi akazomubvisira mimwe miviri paine chitsiidzo chekuti anofanira kuchengetedza hunhu hwakanaka kwemakore mashanu anotevera.

Mumwe mwedzi waive wasara wakasendekwa zvakare padivi ndokunzi anofanira kubhadhara $76 kumumhan’ari sezvo imwe $24 akange amudzosera kare.

Muchuchusi Texas Manditsvara anoudza dare kuti Chidawaya nevamwe vake vaviri — Maxwell Muzanenhamo naShephered Kalambo avo vasiri kuzivikanwa kwavari — vakaona Mufudza achitengesa mishonga yekurapa nemaUS$ ndokumuvhundutsira vachiti hazvitenderwe nemutemo nekudaro vaida mari yechiokomuhomwe.

Vatatu ava vakavhevhetedza Mufudza kuti avape US$500 yechiokomuhomwe kuti asasungwe asi akazongokwanisa kuvapa $100.

Vanonzi vakaziva kuti Mufudza aitengesa mishonga nemaUS$ mushure mekunge vaona mumwe mudzimai achitenga mushonga.

“Ipapo Kalambo aona izvi, akabva aburitsa chitupa chairatidza kuti anoshanda kuZAC uye aive pabasa rokusunga vatengesi vemishonga yokurapa vari kutyora mutemo nokutengesa nemari yokunze,” anodaro Muchushisi Manditsvara.

Vatatu ava vanonzi vakatanga nekuti vaida US$500 kubva kuna Mufudza yokuti vasamusungisa asi akakumbirisa achiti ainge asina mari iyi ndokuvapa $100 achiti aizotsvaga imwe mari yavaida.

Muchuchisi Manditsvara anoti mushure mekunge vamubvumirana, vatatu ava vakapa Mufudza bepa renhema iro vakati raive gwaro rinonzi Compliance 0021 raive nezita reZAC.

Gure iri rakazobuda pachena musi wa18 Zvita apo Mufudza akataurira mumwe anonzi Charuma anoshanda kuZAC zvakange zvaitika.

Charuma akazokwezva mbavha idzi kuti dziuye paJoina City, muHarare, vachibva vadzorera Mufudza chimwe chikamu chemari yake mushure mokunge vabvuma mhosva yavo.

Chidawaya akazosungwa uye vamwe vake vaviri havazi kuzivikanwa kwavari.

Pakumira kwaakaita mudare, Chidawaya haana kuramba mhosva yake.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey