Uncategorized

Ozviruma nyama achidya

07 Feb, 2020 - 00:02 0 Views
Ozviruma nyama achidya Vashandi veZPCS vaine mhuri yekwaMakombo pamusha pavo kuHwedza

Kwayedza

Desmond Munemo

MUNYAYA inofungidzirwa kuti ine chekuita nehuroyi, mumwe musungwa ange achipikira mhosva yekubata mwana chibharo kujeri rekuMarondera anonzi aidzandabvura nyama yepamuviri wake achiidya.

Terence Makombo wemubhuku raGonzo, kwaMambo Svosve, kuHwedza – uyo aipika jeri paSt Thomas, kuMarondera – aizvidya nyama dzemuviri wake uyewo achidya majecha nekutadza kurara mujeri izvo zvave kuita kuti anzi anorwara nepfungwa.

Mumwe mushandi wepaSt Thomas anonzi Ndoro anoti Terrence anodya chero chaangoona.

“Anobvarura hembe dzake achidya maronda aanenge achirapwa. Anoramba achingodya nekunanzva maronda ake. Tinoda kunyatsoongorora kuti akachengetedzwa chero akabuditswa mujeri,” anodaro Ndoro.

Vatori venhau vakazoshanyira kumusha kwevabereki vaTerrence kuHwedza ndokunzwa kuti amai nababa vake vose vakashaika makore mashanu apfuura uye haasisina pekugara. Mumwe wevanhu vanogara mubhuku munobva Terrence, Mai Makoni, vanoti muchinda uyu anogona kunge akaita munyama paakarova baba vake.

“Ndinoziva mhuri yake kubva muhudiki hwangu, akanga ari munhu kwaye asina chinomunetsa uye aiuya achitenga muchitoro muno. Pane nguva yaakarova baba vake akazotanga kutenderera mubhuku rose achimhanya kunge munhu anopenga. Kurwara kwaari kuita uku nekuti akabva asati ava kuzviita. Ane mukoma wake ane chitoro paHwedza shopping centre,” vanodaro.

Mukoma waTerrence, Witness Makombo, anoti mumwe munin’ina wake ane dambudziko rimwe chete rekurasika njere.

“Aishanda kuSouth Africa asati adzoka kuzogara nababa vedu. Zvakawanda zvakaita kuti azosvika paave apa. Airova baba kusvika vaoma mutezo, saka ndinofungidzira kuti zvakakonzerawo izvozvo. Pana madzibaba vakatiudza kuti mumavhiki matatu achadzoka uye mumwe mukoma wedu zvatangawo,” anodaro Witness.

Anoona nezvekudyidzana pakati peZimbabwe Prisons and Correctional Service neveruzhinji, Meya Kanyenzi, pamwe chete nemapurisa eZPCS vakazotora Terrence vakaenda naye mubhuku maanogara kuHwedza sebasa ravo rekudzoreredza vanenge vakapara mhosva. Officer Commanding Mashonaland East Province, Senior Assistant Commissioner Alexio Chirombo, vanoti ZPCS iri kubatana nemadzishe mukubatsira vapari vemhosva vanenge varaswa nehama mushure mekunge vaburitswa mujeri.

“Tine nyaya zhinji apo vanenge vakanganisika pfungwa vakabuda mujeri vanoshaya anovatambira nekuti vemunharaunda vanenge vovarasa. Terrence ndemumwe wedu uyo takati tichabatsira kusvikira awana vekumhuri kwake uye atambirwa zvakanaka. Tinokumbirawo kumadzimambo kuti tishande tose mubasa iri,” vanodaro.

MunaGumiguru gore rapera, Terrence akamiswa pamberi pedare reMarondera Magistrate’s Court apo akaonekwa kuti airasika njere uye akanga asingakwanisi kunzwisisa mibvunzo yaaibvunzwa maererano nemhosva yaaipomerwa.

Terrence akabva aendeswa kuChikurubi Psychiatric Unit zvichienderana nemutemo weSection 27/28 of the Mental Health Act, 1996 (No. 15 of 1996). Terrence akaburitswa mujeri nemusi weSvondo wadarika pasi pemutemo weMental Health Act uye pari zvino ari kuchengetwa nemukoma wake.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey