PAKUNWISA ZVIBODZWA

19 Jun, 2015 - 00:06 0 Views
PAKUNWISA ZVIBODZWA

Kwayedza

  • (1970) Nyama: 62

  • (1986) Chunga: 46

  • (2014) Sibanda: 13

KUBVA mitambo yenhabvu yepamusoro yePremier Soccer League, iyo yava kutsigirwa neCastle Lager, yatanga mugore ra1980, gore negore kunobuda nyanzvi pakubvarura mambure — uya anenge akanwisa zvibodzwa zvakawanda kudarika vamwe vose. Panopera mwaka wenhabvu yegore mutambi uyu ndiye anopihwa mukombe unodaidzwa kuti “Golden Boot”

Ichi chiremera chikuru nekuti vatambi vose vePSL vanenge vakadzvokora kunwisa zvibodzwa zvakawanda kuti vawane mukombe uyu, asi “hakuna danga rine madiramhamba maviri” — mukombe unongopihwa uyo anenge akazunguza mambure kudarika vose.

Kwayedza svondo rino yakaita tsvakurudzo yemwaka mishanu yadarika pamwe nekutarisa matambiro evamwe vatambi vakamboita mukurumbira pakubvambura mambure.

Muongororo iyi, zvakabuda pachena kuti kubva Zimbabwe yawana kuzvitonga kuzere mugore ra1980, hapana mumwe mutambi ati anwisa zvibodzwa zvinopfuura 42 mumwaka mumwe chete wenhabvu sezvakaitwa naMoses “Bambo” Chunga muna1986 achitambira chikwata chakamupa mukurumbira cheDynamos FC.

Zvakabudazve kuti kubva pakatanga kutambwa nhabvu yemuno kubvira Zimbabwe ichiri pasi pehutongi hwevadzvanyiriri, mutambi wechikwata chainzi Chibuku Shumba, Peter “Thunderboots” Nyama, akazunguza mambure kanokwana ka62 mumitambo 20 chete mugore ra1970.

Kunozotiwo Enerst Kamba, uyo akatambira Dynamos zvakare, akanwisa ka35 mugore ra1973.

Vamwe vatambi vakanwisa zvibodzwa zvakawanda ndiMaronga Nyangela (Black Rhinos) uyo akanwisa ka30 mumwaka mumwe chete, Gift “Ghetto” Mpariwa (Dynamos) ka28 mugore ra1986, Alois Bunjira akanwisa ka23 mugore ra1996 naNyasha Mushekwi akabvarura mambure ka21 muna 2009 (vose vachitambira CAPS United).

Mugore ra2010, Norman Maroto, uyo aiva kuGunners FC, ndiye akahwina mubairo weGolden Boot anwisa ka22 uye hapana mumwe akazonwisa kudarika iye zvakare kusvika pari zvino.

Muna2011 mubairo uyu wakatorwa naRodreck Mutumwa weDynamos nezvibodzwa 14, kuchiti muna2012 Nelson Mazivisa weShabanie Mine akanwisa ka18. Mugore ra2013 Tendai Ndoro aitambira Chicken Inn akanwisa ka18.

Kuzoti muna2014 Charles Sibanda aiva kuHighlanders pamwe chete naKuda Musharu weHow Mine ndivo vakagovana mubairo uyu vanwisa ka13 pamumwe.

Ongororo yeKwayedza inorakidza kuti vatambi vekumberi vezvikwata zvakasiyana vari kutatarika zvikuru kunwisa izvo zvinobuda pachena nekudzikira kuri kuita zvibodzwa zviri kuhwinhisa Golden Boot gore negore.

Gore rino, apo mitambo yeCastle Lager Premier Soccer League yava pakati nepakati, mutambi akatungamira pakuzunguza mambure ndiEdmore Chirambadare weChicken Inn aine zvibodzwa 8. Izvi zvinoratidza kuti kuzosvika panopera mwaka, panenge pasina mutambi anwisa zvibodzwa zvinosvika kana kudarika 20, kunze kwekunge patoitwa minana. Dzimwe nyanzvi dzekuongorora nhabvu dzinoti zvinosuwisa zvikuru kuona kudzikira kuri kuita mutambo uyu munyika ino.

Charles “CNN” Mabika anoti vatambi vekumberi vezvikwata zvakasiyana vanofanirwa kubikwa vachiri vadiki kana vachida kuzokura vachinwisa sezvinoitwa nevekunze vakaita saLionel Messi naCristiano Ronaldo. Anoti pari zvino hapana mutambi waanofunga kuti angakwanise kunwisa kanopfuura ka20 mwaka mumwe chete sezvakambokwaniswa nevamwe, kunze kwaMaroto uyo akaita wekugumisira kunwisa kanopfuura ka20 muPSL.

“Kuve mutambi wekumberi unofanirwa kunge uine tarenda chairo uye zviri mauri zvekuti unokura uchinwisa. Vatambi venhabvu vanofanirwa kubikwa zvakasimba vachiri vadiki, ndiko kuti vazokure vachitamba nhabvu yemandorokwati. Vatambi vakaita saMaroto vakafundiswa nhabvu chaiyo uye tarenda raive maari kubva achiri mudiki,” anodaro Mabika.

Goodwill Zunidza anoti zvikwata zvinofanirwa kutsvaga varairidzi vanoshanda nevatambi vekumberi chete sezvavanoita vabati vepagedhi.

“Ndinoona sekuti zvikwata zvemuPSL zvinofanirwa kugadza varairidzi vanoshanda nevatambi vekumberi vachivarairidza pekumira kana vachida kunwisa. Ngavatoita zvekurwisana kutsvaga vatambi vainetsa kare vovapa mabasa kuzvikwata zvavo,” anodaro Zunidza.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>