Uncategorized

Pamwe iwe ndiwe wapwanyika pfungwa

08 Jun, 2018 - 00:06 0 Views

Kwayedza

MUGOVERA
Ndakaenda kumuchato weshamwari yangu Manu ndakachena kunge maModel emuMagazine chaiwo. Ndakanga ndagerwa cut ndikaiswa kamwe kamushonga kakasiya ndebvu dzangu nevhudzi zvave kuyerera sederere. Ndakazvitora maSelfie hobho ndisati ndazobuda ndave kumhanyira kumuchato.
Ndakapfekenyedza kaFit kangu mubvekepfeke reTraffic yemuHarare ndichifara kuti mazuva ano police yakambosendekwa padivi sebhara rabhiridha apedza kuvaka. Ndakasvika ndiri chahwiriri, ndikawana paichatirwa pasina kana munhu.
Ndakafona ndichibvunza, ndikanzwa kuti muchato wakakanzurwa nekuti Manu akabatwa achitsvodana naMai vemusikana wake.
Musikana akanwa mushonga wemakonzo, Manu wacho ari kushaikwa. Yaaa ndabvuma, ende Satani uri nyoka chaiyo.

SVONDO
Ndakarovha kuchechi. Handina kana kunamata kana kuverenga Bhaibheri rangu. Ndainzwa nungo. Ndinofunga Satani ari kufara zvisingaite. Nyaya yaManu yakabuda muH-Metro. Manu haasati awanikwa. Foni yake haisi kudairwa.

MUVHURO
Ndakanga ndine order yemaParts emota aidiwa neimwe kambani.
Ndakanotenga maSample anodhura kune mumwe murungu, ndichibva ndaisa kamari kangu kasvinu pamusoro.
Pandakashevedzwa, ndakaudzwa kuti ndiende nemapepa ekubhengi, nemakotesheni.
Amai vandaitaura navo ikoko vakandiudza kuti ndakanga ndapinda machena.
Ndakaenda ndichiita kunge ndave kupenga nekufara. Mari, mari, mari uri chipatara. Asi ndakarwadziwa kambani iye yangozoti zvinhu zvako hazvina kutifadza. Ndakasara ndasvava kunge zvibharuma zvakasara zvakasungirirwa asi izvo zvisisina mweya. Ndakadzima foni ndikanorara ndakapfeka bhutsu.

CHIPIRI
Ndakadarika nepamba pemusikana wangu asi ndaiziva kuti akanga atobuda kare kuenda kuUZ kwaari kuita degree rake. Ndakashamisika ndichiona sekuti mahwindo ese epamba pavo akapwanywa. Ndakamira ndichitarisisa, ndikaona chokwadi akapunzwa. Ndakabva ndapinzira musikana foni, asi haina kudairwa. Ndakabvunza mai vepamusika kuti, “Ko mahwindo epamba pana Sandra akapwanywa naani? Ko iye Sandy atobuda here?”
Amai vepamusika vakati, “Kupwanywa? Hapana kana hwindo rakapwanyika, pamwe iwe ndiwe wapwanyika pfungwa.”
Handina kuda kuramba ndakamira vachitakura mabhini emashoko anonhuhwa.

CHITATU
Ndakanzwa kuti Washy afa. Handina kubvunza kuti Washy afa uyu ndeupi wacho. Ndakangofunga Washy ane mbiri yechidhila. Ndakabva ndatanga kutumira vamwe maMessage ndichiti, “Washy Zimbudzi afa.”
Mushure mechinguva foni yakarira ichinyora kuti Washy Zimbudzi. Ndakaidaira ndichifunga kuti hama dzake dziri kushandisa foni yemufi kuudza vanhu kuti afa.
Ndakadaira foni, ndikashamisika kuti Washy Zimbudzi akanga asina kufa.
Pandakabvunza vakanga vandiudza zvekufa kwaWashy, vakazondiudza kuti, “Tanga tichireva Washy Mapfumo.”
Ndakanyara sei?

CHINA
Ndapinzirwa foni nemusikana wangu. Ndapindura ndichipfeka masokisi andakatenga mubhero remazitye. Akasimba.
Musikana ati, “Ufunge zvako kuno kwaita mahwani. Timi afumira kuputa mbanje.
Tese tainzwa kuzara mumba mese. Mhomz pavamutsiura abva atora poto akatanga kufamba achirova mahwindo ese. Saka mahwindo ese atopwanyika.”
Ndarohwa nehana nekuti musi weChipiri ndakanga ndaona mahwindo epamba pana Sandy akapunzwa.

CHISHANU
Pamwe amai vepamusika vanga vari right kuti ndapwanyika pfungwa. Rega ndifonere Mike andibatsirewo nemunamato.
Mike anditumira munamato waati ndinamate, asi ndiri kuomerwa kuti nditaure kuti, “Ndiri waJesu, handisi wadhiabhurosi. Nesimba randakapihwa semwana waMwari panyika pano, ndiri kukurayira kuti ubve, ubude mandiri. Buda izvozvi, usadzoke!”
Chiri kundiomera ndechekuti kana ndave kuda kuti, “Ndiri waJesu,” pane izwi riri kunditi, “UNONYEPA.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey