Uncategorized

Pane nyaya: N’anga

16 Jan, 2015 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Nyasha Mutena
VAKAFANOBATA chigaro chemukuru wesangano redzin’anga, reZimbabwe National Traditional Healers Association (Zinatha), VaGeorge Kandiyero, vanoti vabereki vemwana wekufuma akafa, chiso chake chakamomoterwa nemasvosve, vanofanirwa kuenda kugata kuti vagoziva “chakamudya”.

“Vanhu vazhinji vari kuvhiringidzwa nekutora tsika dzekumadokero vokanganwa zvechivanhu, tiri vanhu vatema uye vanonzi varoyi variko. Hazvisi zvejee, vabereki vemwana ngavafambe vagadzirise mweya wemwana wavo aende murugare pamwe nekuudzwa chakadya mwana uyu.

“Chirwere cheMenengitis kashoma kuti chingouraya munhu asina kurwara. Mweya wemwana uyu unoda kutogadzirwa dzimwe nguva akaenda achigunun’una,” vakadaro VaKandiyero.

Mutungamiri werimwezve sangano redzin’anga nemaporofita, Zimbabwe National Practitioners Association (ZINPA), VaFriday Chisanyu, vanoti rufu rwaTakunda rwunogona kunge rwusina kukonzerwa nemabasa ehuroyi sezvakabuda muongororo yakaitwa nanachiremba kuchipatara.

“Nyaya iyi inorwadza zvikuru asi vabereki vemwana vanofanira kuziva kuti hadzisi ndufu dzose dzinokonzerwa nekuroyiwa kana mabasa echivanhu. Zvakabuda kupost mortem ndizvo zviripo. Masvosve anonzwa hwema hwechinhu chakafa ari kure nokudaro anogona kunge aiva anzwa hwema hwemutumbi wemwana Takunda.

“Izvozvi tinoziva kuti hakushaiwe anenge atonangwa huroyi, asika zivai kuti zvimwe zvirwere hazvikonzerwe nemabasa ehuroyi,” vakadaro VaChisanyu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>