Peturu yadzika mutengo

23 Dec, 2022 - 15:12 0 Views
Peturu yadzika mutengo Zera

Kwayedza

Michael Makuza

ZIMBABWE Energy Regulation Authority (Zera) inoti mutengo wemafuta edzimotokari epeturu wadzikiswa, asi wedhiziri hauna.

Zera inoti peturu yava kutengeswa neUS$1,48 kana kuti $1 001,12 kubva paUS$1,50 kana $1 007,45 parita rimwe chete ukuwo dhiziri harina kuderera mutengo sezvo riri kuita US$1,62 mushure mekunge rakwira kubva pa$1 090,38 kuenda pa$1 094,04 parita rimwe chete.

Aka ndekechipiri Zera ichidzikisa mitengo yemafuta edzimotokari muvhiki rimwe chete.

Zera inoti veruzhinji nemakambani vanoziviswa kuti kusanganiswa kwepeturu nemuto wenzimbe kwava pa5 percent.

“Vanotengesa mafuta edzimotokari vanogona kutengesa nemutengo uri pasi pewakatarwa, zvichienderana nemawaniro avanoaita uye vanofanira kuratidza mitengo yemafuta avo panoonekwa neveruzhinji sezvakatarwa nemurawo,” inodaro Zera.

Kudzikira kwemitengo yemafuta edzimotokari kwauya mushure mekunge Zimbabwe National Statistics Agency (ZimStat) yaburitsa mashoko ekuti mitengo yezvinhu yemwedzi nemwedzi (month-on-month inflation) yakadzikira kusvika pa1.8 percent munaMbudzi kubva pa3.2 munaGumiguru.

Kukwira kwemitengo yezvinhu kwakaderera kubva munaKubvumbi gore rapera.

Mitengo yezvekushandisa mudzimba zuva nezuva yakadzikama kwemwedzi yapfuura uye kudzikira kwemutengo wemafuta edzimotokari kunoita kuti zvinhu zviwedzere kudzika

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey