Uncategorized

Peturu ye$5 yakazadza tangi remota?

20 May, 2016 - 00:05 0 Views

Kwayedza

MHURI inopinda chechi yeUnited Body Church (UBC) yekuChivhu, nguva pfupi yadarika yakasara isina neremuromo mushure mekunge motokari yavo yapamidzirwa peturu yeminana zvekusvika tangi kuzara.

Mhuri iyi ndeya VaEdmond Chinwada nemudzimai wavo Mai Tendai Memory Chinwada.

Chechi yeUBC inotungamirirwa naApostle Petros Chatikobo.

VaChinwada vanoshanda semurairidzi paChiwashira Secondary School apowo mudzimai wavo ari mukuru wepachikoro ichi.

Vachitaura neKwayedza svondo rapera, Mai Chinwada vanoti: “Isu tinongoda kutenda Mwari nezvakaitika kwatiri tisingafungire apo takange tichibva kumunamato mukuru weMiracle Fire Night 1 uko tainamatira nyasha nemakomborero kuti zviburuke kwatiri. Tapedza munamato munguva dzemanheru, takaenda paservice station muChivhu ndokudira peturu ye$5 mumotokari yedu yerudzi rweMazda Familia. Takabva tamutsa motokari takananga kuchikoro kwatinogara chinova chinhambwe chemakiromita 52 kubva muChivhu.

“Takatoshamisika tave kunzwa nemwana achitaurira baba vake vainge vari kutyaira motokari iyi achiti peturu yakange iri kuwedzera kuwanda mutengi nekuda kwekuti geji rinoratidza pava nepeturu.

“Takambofunga kuti pamwe geji rakafa izvo kwete. Peturu yakaramba ichiwedzera kusvika tangi razara. Takashamisika tichisvika kumba tangi remota rakangozara kudaro, takaita mwedzi tisina kuwedzera peturu mumotokari.” Vanoti vakafamba nzendo refu sekuenda kupurazi kwavo tangi remotokari yavo rakangozara.

“Patakange tiri kunamata kuchechi, Apostle (Chatikobo) vakataurira vanhu kuti kune vose vange vachinamata vachirevesa vachasangana neminana. Saka pakaitika izvi takabva tabvuma kuti ndiyo minana iye yakange yataurwa. Takavafonera Apostle nezvakange zvaitika tikazozvipupurawo muchechi tichitenda Mwari,” vanodaro Mai Chinwada.Mashoko avo anotsinhirwa nemurume wavo, VaChinwada, vachiti vakaona chishamiso chaicho.

“Pane pamwe patakamboenda kunonamata tikataurirwa zvakare kuti tichasangana neminana. Ndakashamisika kuona munharembozha mangu muchipinda $50 pakarepo, iyo ndakatumirwa nemwana wemukoma wangu anonzi Kudzai Calvin Gahadza.

“Mwana uyu ndakamuchengeta kare-kare asi akange asisakurukure neni kubvira mugore ra2007. Anogara kwaNgundu,” vanodaro.

Apostle Chatikobo vanoti mukereke mavo munoitika minana yakasiyana yekuti vanhu vanogona kupererwa netsanangudzo.

“Vatendi ava (VaChinwada naMai Chinwada) vakandifonera vachiti fuel yavo iri kuramba ichiwedzera vakazouya kuchechi nomusi weSvondo vakapupura pamberi pechaunga tikapa mbiri kunaMwari nekuti ndivo vanoita kuti zvese izvi zviitike.

“Tine minana yakawanda yatiri kusangana nayo sekuti pane pakambodonha minhenga yengirozi yaive michena nemimwe yegoridhe muchechi vatendi vakaita chipata-pata kuinhonga,” vanodaro.

Apostle Chatikobo vanoti nekuda kweminana yavari kuita, pakutanga vakambosangana nenyaya dzerusarura apo vamwe vanhu vakange vave kuvafungira kuti vanoita zveSatanism nekuti vaikundikana kuzvinzwisisa.

“Nekufamba kwenguva, vanhu vakatangisa kuzvitambira uye chaunga chikuru chiri kuzadza kereke zvekuti vamwe vanotoshaya pekugara. Tiri kutarisira kutowedzera zvivakwa zvechechi yedu.”

Munguva pfupi yadarika, mukuru wechechi yeVictory World International Ministries, Prophet Paul Sanyangore vekuMbare, muHarare, vanonzi vakafamba pamusoro pemvura izvo zvakasiya vanhu vachitaura zvakawanda.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>