Pogba ochemerwa nezvikwata

05 Jun, 2015 - 00:06 0 Views
Pogba ochemerwa nezvikwata

Kwayedza

MUTAMBI weJuventus — Paul Pogba — uyo akambotambira Manchester United kare, anoti kusvika mufainari yeChampions League neJuventus kunorakidza kuti akagona kubva kuOld Trafford.

Chizvarwa chekuFrance ichi chakabva kuUnited pasina muripo mugore ra2012 zvichitevera kutadza kuwirirana pakondirakiti yake nechikwata ichi izvo Pogba zvaasina kufarira.

Kubva paakabva kuJuventus mutambi uyu, uyo ane makore 22 okuberekwa, ave kutamba nhabvu inonwisa mvura zvekuti zvikwata zvakawanda muEurope zvinoda kumutenga.

United iri kuda Pogba, uyo anonzi achadhura zvekupfura 60 miriyoni paunzi inova mari iri kudiwa nechikwata chekuTurin. Zvimwewo zvikwata zvakaita seManchester City neChelsea zvinoda kumutenga zvakare.

Apo akatarisana nekutamba mufainari yeChampions League, Juventus ichisangana neBarcelona, Pogba anoti haana kugunun’una kwaanako zvichitevera kubva kwaakaita kuUnited makore matatu adarika.

“Hongu ndine mufaro mukuru nemafambiro aita hupenyu hwangu muTurin,” Pogba akaudza bepanhau reThe Telegraph. “Handina zvekufunga zvakawanda. Ndine mufaro mukuru kuno uye ndiri kufarira zvose zviri kuitika.

“Ndiri mufainari yeChampions League neJuventus, kwete Manchester saka zvinhu zvandifambira chaizvo.”

Real Madrid neBarcelona zvinonzi zvinoda kutenga Pogba mwaka uno uye mashoko ari kubva kuSpain anoti chizvara chekuFrance ichi chiri kuda kunotambira Barca iyo ichasangana nechikwata chake svondo rino.

Paakabvunzwa kuti mutambo wemusi weMugovera uyu uchave wekupedzisira here achitambira Juventus Pogba akati, “Regai vanhu vataura zvavanoda. Iyi ifainari iyi, mutambo mukuru kwandiri uye ndizvo zvindiri kungofunga nezvazvo chete.” — Daily MailOnline

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>