Uncategorized

Ponogirafu kuitira imbwa yakafa nyaradzo

25 Aug, 2017 - 00:08 0 Views

Kwayedza

naIgnatius Mabasa —
NHAIWE, unombofunga here? Kwete kufunga nhamo kana kuti uri kuroyiwa kana kuti ndiani waungakwerete mari. Kwete, ikoko hakusi kufunga, ikoko kutambudzika nekudzungaira.

Kufunga chaiko kunoreva kuti unenge uchitsvaira marara ezvinhu zvisina basa kuti abve mauri, wonoarasira kudurunhuru. Zviri kufanira kubviswa mauri unozviziva, nekuti hausi bhini rinongogashira zvese — makanda emabhanana, mhodzi dzemasawu, wivhi yakabviswa mumusoro, sadza rakasara nemapepa.

Chii chiri kutonga muhupenyu hwako?

Usati hapana nekuti kana uriwe Widzo ndinozviziva kuti wave muranda webhora zvekuti kana basa kana mhuri yako haisvike parudo rwaunopa kubhora zvekuti unodzoka kumba wakashoshoma nekukuza.

Kana uriwe Mhofela ndakaziva zviri kukutonga pandakaona kuti mufoni mako makazara mapikicha nemavhidhiyo evanhu vasina kupfeka nevamwe vari kuita bonde. Asi maziso ndiwo mwenje wemuviri, saka ini handidi kuvhenekerwa nehupombwe, neponogirafu nekuti mushure mekuita hupombwe, uchatsvaga mwoyo wako ukaushaya.

Ponogirafu inyika yevashakabvu. Kuona pono kuitira imbwa yakafa nyaradzo.

Kuona ponogirafu kubvuma kuitwa tishu rinofuriswa madzihwa. Kuzviita ndiro inopakurirwa tsvina. Kana wapinda munyika yepono unogona kushaya musiwo wekubuda nawo ukafiramo senhunzi yapinda mubhodhoro ichitevera tudhiringi twakasaririra. Unofanana nehuswa hwapinda mukanwa memombe, hunobuda hwave ndove.

Muhupenyu huno tiri varanda vezvinhu zvakawanda, asi vamwe vanhu havaone huranda hwavo. Kune vamwe vakafanana naMadhawu vari kutongwa nekufunga kuti vakakosha kudarika mvura. Kufunga kwekufunga kuti wakakosha hakusi kufunga, nekuti kunenge kupfungaira kwehutsi hwefodya hunobvura mapapu emuputi.

Kune vamwe vakaita saMukanya vane hupenyu huri kudhonzwa netambo yevanhu vane zvavari kutarisira kubva kwavari. Hupenyu hwavo hausi hwavo, ndehwekuti vanhu vandione.

Varikowo vamwe vakafanana naMaChuma akabatwa aine chikomba muchato wake ukapera. Patove nemakore mazhinji kwazvo arambwa, asi hupenyu hwake hwakapfeka hembe nyoro dziri kuchururuka kutya, kuzvituka, kuvenga nehasha.

Pane zvimwewo zvaunoona kuti zvinokunda hembe nyoro dzaMaChuma. Ndipo paye paunenge uri muranda wedoro, wembanje, manyepo kana chimwe chinhu kana katsika kanoparadza. Zvibvunze kuti chii chiri kutonga muhupenyu hwako? Unogona kutongwa nezvematongerwo enyika semuzukuru wangu zvekuti tinotsvaga munhu wataiziva kare aimbove iwe tikamushaya.

Kusununguka kuri mukunge wasarudza kufunga mifungo inokuburitsa mubhawa usati warutsa doro.

Kusununguka kuri mukusarudza kuti hauchada kuramba uri muranda. Kana ukasarudza Jesu kuti atonge muhupenyu hwako, hauzotongwa neponogirafu kana hupombwe.

Kana ukatongwa naJesu, unokwanisa kutonga zvinhu zvese zvinokutonga. Kana Mwari vasirivo chinhu chakakoshesesa muhupenyu hwako, kureva kuti chiripo chimwe chakakosha kuvadarika. Ichocho chaunokoshesa kudarika Mwari chichakubata nepahuro kusvikira watadza kufema ukafa maziso akabuda. Kana Jesu akafamba newe, iwe uchifamba naye — haurasike kana kurasikirwa.

Zvaunoona ndizvo zvinokandira mazai azvo mudendere rehupenyu hwako. Ndaimboionawo ponogirafu iyoyo, asi ndakazoona kuti ndiri kushandiswa, kufanana nemuswe unopinimidza imbwa panzvimbo yekuti imbwa ipinimidze muswe.

Kuna VaRoma kunoti, “Musarege chivi chichitonga mumiviri yenyu inofa muchiteerera kuchiva kwacho.”

Yambiro iripo ndeyekuti musape miviri yenyu sehembe dzinopfekwa nechivi chichikuitisai zvakaipa.

Nyangwe hembe ikakufita zvakaita sei, ichabvaruka, uye nemuviri wako nyangwe ukanaka sei, uchafa.

Iko kuziva kuti chivi chinokupfeka chokushandisa, ndiko kutanga kufunga kunokubatsira. Fadza Mwari kana kuti fadza sadza nenyama. Mwari anosunungura asi sadza nenyama zvinozvimbira.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>