Uncategorized

‘Prophet Madungwe anoda kubatsirwa’

04 Nov, 2016 - 00:11 0 Views
‘Prophet Madungwe anoda kubatsirwa’

Kwayedza

ZVICHITEVERA mashoko emumwe muporofita wemuHarare uyo ari kuti Mwari mbune vakamubvakachira musi wa20 Gumiguru 2016 sezvaainge ambovimbiswa apo anoti akaenda kudenga kaviri, vaverengi vachiri kupa mafungiro avo pamusoro pemurume uyu.

Prophet Talent Madungwe (30), wechechi yeExile Desire of All Nations Ministries iri mumusha weSunningdale, muHarare, anoita seakadenha mago nenyaya dzake dzekuti akashanyira Mwari mbune kudenga uko vakanoita musangano.

Anoti ndipo paakavimbiswa nezvekuuya kwaMwari muZimbabwe, izvo zvaanoti zvakazozadziswa musi wa20 Gumiguru achiti pakauya Mwari nengirozi kumba kwake, vakatandara naye kwenguva inosvika awa apo vaidya nyama, imwe yakagochwa, yaainge atenda.

Vaverengi vanoyambirwa kuti kubuda kuri kuita nyaya yaMadungwe muKwayedza hazvireve kuti ndiwo mafungiro kana maonero ebepanhau rino asi kuti vanhu vose vanotenderwa kuburitsa mafungiro avo pamusoro pezvitendero zvavo.

Hezvinoi zviri kutaurwa nevamwe vaverengi pamusoro pemurume uyu: Talent Madungwe haazi muporofita, asi anotodhunya. Endai naye kuNgomahuru aonekwe njere dzake kana dzakakwana. – 0773 497 169.

* * *

Panyaya yaMadungwe yekuti Mwari akauya musi wa20 Gumiguru, ari kutinyepera. Ndapota vanachiremba (doctors) onai zvekuita naye. – Sadra Mugogoshi.

* * *

Madungwe ndewenhema, ngaaongororwe pfungwa kuti dziri sei. Anodaro achida kuendeswa kuIngutsheni. – Norman Makopa, Zvishavane.

* * *

Madungwe itya Mwari, nhema dzako dzinotyisa. – 0773 899 348.

* * *

Muporofita uyu akatsvira mumba dhoo rakashama, hakuna munhu anoona Mwari. Unofa! Ngaasungwe, ndimi munobata vanhukadzi chibharo. – Lucia, Chitungwiza.

* * *

Madungwe ari kutsvaka mari kwete kuti mupengo. Mashaya zvekunyora mumapepanhau nekutaura muma“radio” here? Chivi chamave kuita ichi, kutamba naMwari? Satani ari kuita “party” – 0776 157 662.

* * *

Madungwe anotomhanya bani. Ari kushaya zvekuita, ngaatsvage basa kwete kutamba nezita raMwari. – 0784 606 132.

* * *

Vanhu kudai tarega tsika yekuti tikaona vanozviita maporofita kana mafundisi tobva taita kunge taona Mwari. Ngatinamatei Mwari kwete maporofita. – Terence Tafadzwa Mwedzi, Mutare.

* * *

Ndinoona kuti semhuri yeZimbabwe tinofanira kutenda kuna Mwari. Asi ndipo potoona mumwe anoita zveje-e kuti Mwari akauya? Anodzikisira hunhu hwemuZimbabwe. Kubva pasichagare hatina kumbonzwa zvakadaro. Onai zvamungaite naye. – Nyamudahondo, Waterfalls.

* * *

Mapurisa ngaaone zvekuita, ndivo vanhu vanotukisa nyika yedu kune dzimwe nyika. Ngaawane rubatsiro ruzere asatamba naMwari, anorohwa neshamu isina hudziviso naNyadenga. Batsirai munhu awane mari ye“start” atengese matomatisi pane kutamba naMwari. – Jah weEeDzY.

* * *

Prophet Madungwe hapana, hapana. Jesu Kristu vakati hakuna muporofita achaporofita kusvika pana Johane. Saka tisabatwe kumeso nevanhu vanozviti maporofita ava, vanhu vakatukwa naJehova. Vari kutsvaga mari kwete Mwari. – 0773 526 200.

* * *

Madungwe ngaatinyare, ngaasade kubvisa vamwe vanhu panaMwari. Hatidi kunyaudzwa, ngaatengese matomatisi pane kutaura zvisina basa. – 0736 351 349.

* * *

VeKwayedza tinokutendai nekutizivisa zviri kuitika munyika senyaya yaProphet T. Madungwe. Nzvimbo yaanoti akarota iri kwaGandanzara, waari kuti Mwari mukuru wechechi yepositori iri kunzvimbo iyi. Ngaaende ikoko anobatsirwa abviswe mweya wetsvina uri pa“makwikwi” naye – 0774 304 597.

* * *

Prophet Madungwe kana vari muporofita chaiye ngavamboshanyira mamwe maporofita ane mbiri munyika muno. Hazvishamise kunzwa vachiudzwa kuti “dzine ka touch”. Murwere wepfungwa. – Kana Jauma, Trelawney.

* * *

Hongu maporofita enhema ariko asi zvaMadungwe zvanyanya. Ngaasungwe, munhu mukati! – Nyamudahondo, Waterfalls.

* * *

Madungwe ane nyaya, anorwara nepfungwa? Ngaasungwe zvichiri pedyo nekuti achazotaura zvimwe zvisingaite. Mapurisa batai munhu nguva ichiripo. – M.C DVT, Mutare.

* * *

Prophet Madungwe asatambe nezita reMusiki nepfungwa dzevanhu. – Kubva kuDomboshava.

* * *

Panyaya yaMadungwe ndinoona sekuti kuzadziswa kweshoko raMwari rekuti maporofita enhema achawanda nemazuva ekupedzisira. Mwari waMadungwe ndewake ega, haasi weruzhinji kana kuti anogona kunge akajoina Satanism. – A Gadzikwa, Harare.

* * *

Madungwe ane “bere” rake raakapa zita rekuti mwari. Ngaanditsvage ndimubatsire, anouya nembiya, mukaka, hupfu nemafuta ndomushandira. – Shyne Chiruka, Bocha, Marange.

* * *

Muporofita uyu anoda kubatsirwa, anogona kunge aine mweya wakaipa unomushandisa uine mucherechedzo waMwari. – Simon Batirai, Zaka, Jerera.

* * *

Pfungwa dzaProphet Talent dzinotomboda kukandwa mu“lab” dziongororwe zvine hudzamu. – 0772 377 909.

* * *

Madungwe musiyei akadaro, musarambe muchimunetsa nemibvunzo nekuti anogona kutozowedzera kurasa njere. Mwari haatambwe naye sezvaari kuita izvi. – Nyathi, Gaza.

* * *

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>