‘Redknapp odzokera kuWest Ham ‘

12 Jun, 2015 - 00:06 0 Views

Kwayedza

HARRY Redknapp akasununguka kudzokera kuWest Ham kunotora chigaro chasporting director asi hunge Rio Ferdinand akagadzwa samaneja kuchikwata ichi. MaHammers parizvino haana murairidzi zvichitevera kubva kwakaita Sam Allardyce uyo wavasina kupa imwe kondirakiti, uye svondo radarika vakaedza kuda kutenga murairidzi weSevilla Unai Emery kuti auye kuUpton Park asi zvakaramba.

Redknapp, uyo akasiya basa rekurairidza Queens Park Rangers muna Kubvumbi, akarairidza West Ham kwemakore manonwe apo akasimudzira Ferdinand kubva kuchikwata chevechidiki kusvika apinda mune chevakuru ndokuzomutengesera kuLeeds nemari inosvika 18 miriyoni paunzi mugore ra2000. Mwaka wadarika, Redknapp akaunza Ferdinand kuQPR apo kondirakiti yake yakapera kuManchester United.

Zvakadaro, Ferdinand akazosendeka zvekutamba nhabvu pakapera mwaka wenhabvu angokwanisa kutamba ka12 chete.
Achitaura neKicca, Redknapp akati, “Ndinoda kumuona achirairidza West Ham. Ndinoenda naye ikoko ini ndiri director wenhabvu — hukama hwakasimba.

“Ndinoda chaizvo kumuona achipihwa mukana chero kumwe kuchikwata. Achiri mudiki, ane huturu hwekuda kushanda uye pane vamwe vatambi vechidiki vave kurairidza nhabvu. Gary Monk ari kubata basa rakanaka kuSwansea.

“Rio ari kuita zvidzidzo zvake zvekurairidza, ndinoziva kuti ane pfungwa dzenhabvu. Ndaigaro kurukura naye kakawanda kuQPR, akagara pabhenji ndaimubvunza kuti anofungei achitondipa pfungwa dzake sezvo achiziva mutambo uyu zvinodadisa.”

Redknapp anoti zvakare Paolo Di Canio, uyo akadzingwa basa neSunderland mugore ra2013, anogona kudzoka kuzorairidza West Ham.
“Ndinofarira zvakare Di Canio, ndinoda kumuona achidzoka kuWest Ham,” akadaro.

“Ndinoziva kuti vakataura zvakawanda pamusoro pake asi akabata basa guru kuSwindon. Ndakataura nemutambi weBournemouth Matt Rithchie uyo akati aifara kurairidzwa naye achiri kuSwindon.

“Akatanga zvinonwisa mvura kuSunderland asi chikwata chinonetsa kuti ubudirire. Martin O’Neill, Steve Bruce vose vakabva neko pamwe nevamwe vakawanda,” akadaro. – Sky Sports News.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>