Uncategorized

Remekedzai pamakuva: N’anga

20 Mar, 2015 - 00:03 0 Views
Remekedzai pamakuva: N’anga

Kwayedza

Daphne Machiri
DZIMWE nyanzvi dzezvechivanhu dzinoti nyaya yemuti unonzi wakapunzwa nemvura yaiva nedutu asi ukazoonekwa wamira zvakare panzvimbo yawaive mushure mekunge watemwa mapazi kuitwa huni papurazi reNewpark, kuMt Hampden, ine chivanhu mukati.

Ishe Chihota, VaRaphel Chigodora (41), vanoti nzvimbo inonzi yakaitikira manenji aya inogona kuve nechivanhu chinoda kugadziriswa sezvo paine makuva.

“Sezvo nzvimbo iyi iine makuva, inoera nekudaro pamwe zvichida vedzinza revanhu vakavigwapo vakatsamwa nekuda kwevatorwa vakatema miti iripo,” vakadaro Ishe Chihota.

“Nzvimbo iyi haina kunaka zvachose, panoda kuti pabikwe doro kuti mweya uyu usasimuke zvakare.”

N’anga yekuChitungwiza, VaThomas Yakiti Mukunguta vanotiwo miti inenge iri pamakuva inoera nekudaro haingotemwa-temwa.

“Miti inomera kana kusimwa pane makuva inoera zvekuti haifanirwe kutemwa. Makuva inzvimbo yevafi yavanozororera saka miti inenge iripo inopa mimvuri kuvafi,” vakadaro.

“Ini ndakazviona nemaziso angu apo mumwe munhu akatema muti pamakuva achida kuita huni akazofuma ave chimumumu, nanhasi haana kuzotaura zvachose,” vakadaro VaMukunguta.

VaJonathan Shonhihwa (49) vekuChiredzi, avo vanozivikanwa nezita remadunhurirwa rekuti Mupamombe, vanoti veruzhinji vanofanira kuremekedza nzvimbo inenge iine makuva.

“Makuva inzvimbo yevafi inoera uye kazhinji vechirudzi vanosima miti semhiko mumakuva naizvozvo miti iyi inenge yakavadzivira kune mhepo dzenyika.

“Panofanirwa kutsvagwa werudzi rwevanhu vane makuva aripo uyo anoenda nehupfu hweusvusvu vokurunga vachipira nekutaura nekukumbira kuvafi ava zvinobva zvadzikama,” vakadaro VaMupamombe.

Imwezve n’anga, VaRichard Magombo (61), veku kuWarren Park muHarare, vakatsinhirawo vachiti zvakakosha kuti makuva aremekedzwe.

“Midzimu yevafi yakatsamwa sezvo vatorwa vakapinda munzvimbo iyi,” vakadaro.

Kwayedza yakazama kutaura naMambo Zvimba panhare asi zvikaramba.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>