Ronaldo onanga Manchester City?

27 Mar, 2015 - 00:03 0 Views

Kwayedza

VATAMBI veManchester City vanofunga kuti chikwata chavo chichada kutenga Cristiano Ronaldo, sekutaura kwaGraham Hunter. Ramangwana remutambi weReal Madrid uyu range richikurukurwa zvakanyanya mwedzi yadarika, zvichitevera kusatamba kunogutsa kwaari kuita kuchikwata chaCarlo Ancelotti. Achitaura neRevista de La Liga, Hunter anoti ramangwana remutambi uyu harizivikanwe, asi chibvumirano chekutengeswa kwake chichabva kwaari kwete kuchikwata chake.

“Ndinoziva kuti vatambi veManchester City vange vachikurukura vachiti zvimwe pane zvinogona kuitika pakutengwa kwemutambi uyu kubva kuchikwata chavo mumasvondo anotevera,” akadaro Hunter.

“Kuti titi ichokwadi here kana kuti kwete, handikwanise kuzvitaura.

“Chatinoziva kuti zvikwata zvikuru, zvine mari yakanyanya zvinogona kumutenga, asi hapana nguva chaiyo yakanaka yekuzvitaura.” Sky sports News.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>