Rudo kuita kufashaira

29 Sep, 2017 - 00:09 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza —
MUDETEMBO rinonzi, Asatye zvake rakanyorwa naMildred Jaricha rine dingindira rerudo. Nyanduri ari kushungurudzika nerudo rwakadzama rwaainarwo kumudiwa wake.

Nyanduri ari kuti anoshungurudzika nerudo rwakawandisa mumwoyo make zvekuti rwunoita sekunge rwuchamutumbura sepaanoti, “Rwunofashaira mumwoyo rudo kuita semapudzi ari muhari.” Nyanduri anoti ari kunetseka kuratidza mukomana akamutora mwoyo kuti anomuda sepanonzi, “Kuri kutsvaka pekubuda napo kuti aone ndinomuda mukomana.”

Rudo rwunotambudza nyanduri nokuti pese paanoona mukomana waanoda haazogadzikani mumwoyo make sepaanoti, “Kumuona hana inorova, rinomhanya-mhanya ropa mandiri.”

(iii) Zvirwere

Mudetembo rinonzi, Handineiwo nemi rakanyorwa naRodwell Harinangoni rine dingindira rezvirwere. Nyanduri anoshungurudzika nokuti vanhu vanotuka chirwere cheshuramatongo kuti chiri kuvaparadza, asi varivo vane mhosva yekuita chipfambi chinozoita kuti vabatwe nechirwere ichi.

Nyanduri anotsutsumwa nekutadza kugutsikana kunoita vanhu kuvadiwa vavo apo anoti, “Dai maizvibata musinganetseki neni zvino moyo yenyu yakarembera seyepwere dzaona zvihwitsi.”

Mudetembi anoshungurudzika nekupihwa mazita akaipa kunoitwa chirwere nevanhu, asi icho chisina mhosva sezvo vanhu varivo vanochitsvaga voga sepaanoti, “Iko kuzondidaidza kuti shuramatongo zvichireva pandasvika musha unosara rave dongo.”

Nyanduri anoshungurudzika zvakare nenyaya yokuti vanhu vanoita chirwere chekutsvaga sepaanoti, “Makambondiona ndichigogodza kwenyu kumba? Hamusimi here munotondivinga kwangu kumba?”

(iv) Kodzero

Mudetembo rinonzi, Ndoda mukoho wangu rakanyorwa naRabison Shumba rine dingindira rekodzero. Nyanduri anoshungurudzika pamusoro pekushandiswa asingapihwi mubhadharo wakakwana nevanhu vaanoshandira.

Nyanduri anoshungurudzika pakuti anoshanda zvinorwadza, asi hapana mari yaanozopihwa panopera mwedzi, sepaanoti, “Ziya radeuka zhinji mose munondipupurira, asi hazvina mubhadharo kana zukwa zvaro.”

Nyanduri anoshungurudzika zvakare nokuti aneta nekutendwa chete kuti agona asi izvo zvisingaunze chikafu kumhuri yake sepaanoti, “Ndaneta nekudetemberwa kuti ndagona, mashoko chete handiwo anodyiwa nemhuri kumba kwangu.”

Mudetembo iri nyanduri anotsutsumwa zvakare kuti anoita basa rose pakambani, asi pakuzodya nekukohwa vashandirwi vake vanotora zvose osara asina chinhu sepaanoti, “Yangu ndima ndasakura ndazunza, imi makohwa modyorera mune dzenyu homwe.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey