Uncategorized

Runyararo pasarudzo: Zrp

06 Apr, 2018 - 00:04 0 Views
Runyararo pasarudzo: Zrp Hillsong United

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
MAPURISA eZimbabwe Republic Police anoti zvakakosha kuti mapoka akasiyana aite mushandirapamwe wekuona kuti sarudzo dzezvematongerwo enyika idzo dzinotarisirwa kuitwa munguva inotevera dzaitwa murunyararo.

Mashoko aya akataurwa nemutauriri wemapurisa munyika, Senior Assistant Commissioner Charity Charamba, pamusangano wakarongwa nesangano revatori venhau, reZimbabwe Union of Journalists (ZUJ) uyo wakaitirwa muHarare nguva yadarika uye waive nechinangwa chekupanga mazano pamusoro penzira dzakanaka dzekunyora pamwe nekuburitsa nyaya dzine chekuita nesarudzo dzematongerwo enyika.

Abigail Gamanya

Snr Asst Comm Charamba vanoti zvinoda mushandirapamwe wevatori venhau, mapurisa uye veruzhinji kuti sarudzo dzinotevera dziitwe murunyararo.

“Simba kana basa remapurisa hariperi munguva yesarudzo kwete. Mapurisa acharamba achiita basa rawo rekurwisa kuparwa kwemhosva munguva yesarudzo nokudaro vanhu vakasununguka kumhan’ara mhosva dzose dzinenge dzichiitika panguva iyi pasina kutya nekuti mutemo uchangoramba uchishanda.

“Semapurisa eZimbabwe Republic Police, tiri kutarisira kuti runyararo rwurambe rwuchiendeka. Tinofara kuti kusvika pari zvino nyika ine runyararo uye vari kukwikwidza musarudzo idzi vari kuramba vachiparidza runyararo.”

Advocate Fortune Chasi

Asst Comm Charamba vanoti kana nyika ikaramba iine runyararo, zvinoita kuti ive nebudiriro munyaya dzeupfumi.

Vanoyambira vatori venhau kuti vanyore nhau dzechokwadi vachiti izvi zvinobatsira mukuchengetedza runyararo.

Vanoti Commissioner General Godwin Matanga vakasarudza Senior Assistant Commissioner Erasmus Makodza kuti vange vachiona nezvesarudzo (Election Commander).

“Musarudzo dzadarika, taiona nyaya dzekurwisana, dzainyanyira kumapato anopikisa asi tinovimba musarudzo dzegore rino hazvisi kuzodzokororwa. Tichaona kuti vanhu vachakambena murunyararo tichichengetedza upenyu nemidziyo pasina kutya kana kurerekera kune rimwe divi kana kuva nerusarura,” vanodaro.

Vincent Kahiya

Vachitaurawo pagungano iri, sachigaro wePariliamentary Portifolio Committee on Justice, Legal and Constitutional Affairs – Advocate Fortune Chasi – vanoti vatori venhau vane basa guru munyaya dzesarudzo kuti dzinge dzichiitwa murunyararo.

“Zvinyorwa zvenyu zvinogona kuumba kana kuparadza nyika. Ndiko kusaka ndichiti mune basa guru panguva iyo tatarisana nesarudzo. Tinofara kuti mapurisa ari kuti atogadzirira zvakasimba pasarudzo dzegore rino uye kuti vakatodzidzisa mapurisa 24 000 pamwe nekugadzira magwaro achange achishandiswa nemapurisa anenge aine mitemo inobata nyika dziri muSadc neAfrican Union,” vanodaro.

VaVincent Kahiya vanova managing consultant kukambani yeOxyn vanoti vatori venhau pamwe nevapepeti vakangwara vanonyora nyaya dzine chekuita nebudiriro uye kukoshesa pfungwa dzeveruzhinji nekuti ndizvo zvinoumba zvichazobuda musarudzo.

Kuchiti Abigail Gamanya, uyo anova director kusangano reGender and Media Connect (GMC), anoti vatori venhau vanofanira kunyora nyaya dzevanenge vachikwikwidza musarudzo zvakaenzana uye vachitarisawo nyaya dzekuenzaniswa kwemikana pakati pevanhurume nevanhukadzi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>