Saido Berahino achatengwa nani?

09 Jan, 2015 - 09:01 0 Views

Kwayedza

MUTAMBI weWest Brom, Saido Berahino, uyo ari kupisa parizvino, achatengeswa mwedzi uno kana chikwata ichi icho chiri kutatarika muPremier League chawana mari inopfuura 20 miriyoni paunzi pashasha iyi.

Hurukuro dzekupa mutambi uyu kondirakiti itsva kuHawthorns dzakambosendekwa paKisimusi uye technical director wemaBaggies, Terry Burton, anoti ramangwana remutambi uyu vacharisiira mumawoko emurairidzi wavo mutsva — Tony Pulis.

Asi hazvo, zvinonzi hapana chikwata chamboti chinoda kutenga mutambi weWest Brom uyu, uyo anotambira England Under-21 ane kondirakiti ichapera mugore ra2017.

Liverpool pamwe neTottenham Hotspur ndizvo zvange zvichifungidzirwa kuti zvinoda kutenga Berahino masvondo adarika uyo anwisa kasere mumitambo 20 yePremier League mwaka uno.

Asi apo zviri kufungidzirwa kuti chikwata chekuMerseyside ichi chiri kunzi chinoda mutambi uyu, maGunners anonzi vazvibvisa kure nenyaya iyi.

Uye Berahino, uyo akanwisa kana apo West Brom yakarakasha Gateshead 7-0 mumitambo yeFA Cup svondo radarika, pane fungidziro huro yekuti Pulis anoda kuti mutambi uyu agare kuchikwata ichi kuti achibatsire kurwira kuti chisaburitswe muligi kutanga iye zvino kusvika parinopera. — Sky Sports News

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>