Kwayedza
ARSENE Wenger ari kuronga kupa Alexis Sanchez zororo renguva pfupi kuti agove akasimba apo mwaka uno wave kusvika kwamvura yacheka makumbo.Chizvarwa chekuChile ichi chakwanisa kutamba mitambo 16 kumaGunners mwaka uno kudarika vamwe vose vemuchikwata chake.
Uye Wenger haadi kuona mutambi uyu achisvika pakuneta saka ari kuda chaizvo kumupa nguva yekumbozorora mumasvondo anotevera.
Kana Arsenal ikakwanisa kukunda Paris Saint-Germain mumutambo weChampions League, zvinoreva kuti Sanchez anogona kupihwa zororo mumutambo wekupedzisira wechikwata chake muboka iri apo chichasangana neBasel musi wa6 Zvita. Svondo rino Arsenal ichange yakatarisana nemutambo weFA Cup third-round uye musi wa7 Ndira ndipo pamwezve Wenger anotarisira kumbozorodza makumbo aSanchez.
Sanchez akambovhundutsa chikwata chake masvondo adarika paaive nenyika yake apo zvinonzi akadambuka tsinga vachiita gadziriro dzavo neChile.
Zvinozivikanwa zvakare kuti haasati ambonyatsozorora kubva mugore ra2013. Mutambi uyu, uyo akambotambira Barcelona, ndiye anotarisirwa kutungamira chikwata ichi mumwedzi yekupedzisira apo chichange chichirwira mikombe yakawanda uye Wenger anoda kuti mutambi wake ange akasimba. – Daily Mail Football.