‘Sando kuna Pasuwa’

16 Sep, 2016 - 00:09 0 Views
‘Sando kuna Pasuwa’

Kwayedza

. . .mupei nguva yekuita basa rake

 

VATSIGIRI nevaongorori venhabvu vari kudya magaka mambishi nemabatirwo ari kuitwa murairidzi wechikwata chemaWarriors, Kallisto Pasuwa, zvichitevera kugadzwa kwakaitwa komiti yeHigh Perfomance Committee nesangano reZifa iyo ichange ichiongorora mashandiro ake.

MaWarriors akahwinha tikiti rekuenda kunokwikwidza kumutambo weAfrican Cup of Nations (Afcon) kuGabon gore rinotevera uye ndicho chikwata choga chemudunhu reSouthern Africa chakabudirira kuenda kumakwishu aya.

Zvakadaro, komiti yakagadzwa neZifa iyi ine nhengo dzinoti Omega Sibanda mutevedzeri wemutungamiri weZifa, Zifa techincal director Taurai Mangwiro, Sunday Chidzambwa, Moses Chunga, Rahman Gumbo naInnocent Chogugudza.

Muhurukuro neshasha pakuongorora nhabvu uye arizve mutsigiri mukuru wemaWarriors, Chris ‘Romario’ Musekiwa, anoti danho rakatorwa neZifa rekugadza komiti iyi harishande sezvo Pasuwa ari kubata basa rakanaka kumaWarriors.

Musekiwa anoti komiti iyi yaifanirwa kunge yakagadzwa kare Pasuwa paakatanga kurairidza chikwata ichi.

Anoti Zifa ngaisade kukanganisa Pasuwa basa rake kuburikidza nekumupiringisha nenzira dzakasiyana.

“ZveHigh Perfomance izvi hazvina zvazvichabatsira iye zvino patasvika nekuti Pasuwa ari kuita basa rake nemazvo. Gore rinotevera, tinenge tiriko kuGabon saka chii chamunoda kuongorora paari?

“Uyezve chinhu chikuru ndechekuti vamwe vanhu vari mukomiti yacho vakambopiwa mukana wekurairidza maWarriors asi hapana chavakambokwanisa kuita zvinobatika saka chavangaongorora pana Pasuwa chii?

“Kubva Pasuwa atanga kurairidza maWarriors, muchinda uyu akakwanisa kutungamira chikwata chemaUnder-23 kuenda kuAll Africa Games uko vamwe vakanorairidza vakanodyisa chikwata, takaenda kuCHAN naye uye kuCosafa Cup,” anodaro.

Musekiwa anoti pane kuti Zifa inge ichigadza komiti yekuongorora Pasuwa, sangano iri kudai ratokumikidza komiti yekutsvaga mari sezvo pasara nguva shoma yekuti maWarriors achienda kuGabon kuAfcon.

“Dai zvavo vakatogadza komiti yekutsvagira maWarriors mari nekuti gadziriro dzinotanga izvezvi kwete mutambo wave kusvika,” anodaro.

Zvakadaro, imwe shasha inozivikanwa zvikuru munyaya dzekutsigira nhabvu, Thomas Jongwe, anoti kugadzwa kwekomiti iyi kwakanaka chaizvo asi kudai yakagadzwa kare.

“Zvinhu zvakanaka chaizvo asi pazvave kuitwa ndipo pasiripo. Komiti yehigh performance inodiwa zvayo asi vatadza nguva yekugadza komiti iyi.

“Isu sevatsigiri venhabvu hatidi makomiti akawanda-wanda ayo tinoona kuti anozotikanganisira basa rake.

“Vari mukomiti iyi vamwe vakambopihwa mukana wekuita basa rina Pasuwa vakakundikana saka chii chavangaudza Pasuwa kuti aite mubasa rake?” anodaro Jongwe.

Mutungamiri wesangano reWarriors Friends Club Tendai ‘T Burns’ Zhakata anoti haaone komiti iyi ichibatsira musimudzira maWarriors.

Anoti kukundwa kwakaitwa maWarriors mumutambo wavo wekupedzisira neGuinea yaive isiri mhosva yaPasuwa sezvo kusarongeka kweZifa kwakonzera kuti chikwata ichi chisvike kuGuinea pasara zuva rimwe kuti mutambo uyu utambwe.

“Ngavatange kutsvaga mari kwete zvimwe zvisina basa, ino inguva yekugadzirira chikwata chedu chiende kuGabon kunokwikwidza.

“Zvimwe zvisina basa izvi hapana kwazvinotisvitsa,” akadaro T Burns.

Zvakadaro, Ashford Mamelodi anove nhengo yesangano rinoona nezvenhabvu pasi rose reFifa (development officer for Southern African) ari kuyambira Zifa pamusoro pekugadza komiti iyi achiti inogona kukanganisa chikwata chemaWarriors apo chatarisana nekuenda kuAfcon.

Anoti anoshamisika kuti Zimbabwe haizi kupemberera kubudirira kwakaita maWarriors kuenda kuAfcon sezvo iriyo nyika yoga kudunhu reSouthern Africa iri kunokwikwidza.

Mamelodi anoti hazvibatsire kuti murairidzi wechikwata chenyika aongororwe mashandiro ake nekomiti kana kuti neboka revamwe varairidzi.

“Izvi hazvishande zvachose uye hazvisati zvamboshanda,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti: “Chiripo ndechekuti unogona kuvimba nemurairidzi anenge aripo kana kuti hauvimbe naye saka unofanira kutsvaga mumwe asi kunyangwe murairidzi iyeye acharamba matanho ose aanoona kuti anokangnisa basa rake. . .ndiwo maitiro azvo. Panyaya yenyu yemuZimbabwe, murairidzi wenyu aita basa rinodadisa panguva iyo yange yakaoma sezvo zvekushandisa zvange zvichiperevera, ndiye oga mudunhu rino (reSouthern Africa) akwanisa kuenda kuNations Cup nekudaro zvinoshamisa.”

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>