Sangano roti richatanga kuumba Team Zimbabwe

17 Dec, 2014 - 08:12 0 Views

Kwayedza

SANGANO reSports and Recreation Commission rinoti richatanga kuumba chikwata chitsva cheTeam Zimbabwe nguva pfupi inotevera icho chichanokwikwidza mumutambo weAfrican Union Sports Council Region V Sports Games kuAngola.

Izvi zvinotevera kupera kwakaita mitambo iyi svondo radarika iyo yaitambirwa kuBulawayo apo Zimbabwe yakaita nhamba yechipiri, ichitevera South Africa.

Mumitambo iyi, Zimbabwe yakahwinha menduru 18 dzegoridhe, 42 sirivha pamwe ne33 dzebhuronzi.

South Africa yakakumba menduru 121 pamwe chete apo 62 dzaive dzegoridhe.

Mukushi wemashoko weSRC, Tirivashe Nheweyembwa, anoti Team Zimbabwe yakadadisa zvikuru nematambiro ayakaita.

Zvakadaro, anoti hazvireve kuti vave kumbozorora zvichitevera kupera kwakaita mitambo iyi svondo rapera kuBulawayo asi kuti vave kutanga kuumba chimwe chikwata chichazonomirira nyika kuAngola muna 2016.

Anoti mitambo ye2015 Youth Games iyo ichatambirwa muno gore rinotevera ichavapa mukana wekuongorora vatambi vavo pamwe nekuumba chikwata ichi.

“Chikwata chedu chakadadisa zvikuru nematambiro achakaita kunyangwe hacho chakazouya pechipiri.

“Taive nezvataitarisira kuda kuhwina asi takazokundikana hedu, asi tichitarisa vatambi vedu ava tinoona kuti vane ramangwana rakanaka mumitambo yakasiyana.

“Iye zvino yave nguva yekuti titange kuumba chikwata chedu chitsva icho tichazotumira kuAngola kuchatambirwa mitambo iyi gore ra2016.

“Gore rinotevera apo pachatambwa mitambo yemaYouths Games muno ndipo patichawana mumwe mukana wekuumba chikwata chedu ichi,” akadaro Nheweyembwa.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>